Accessibility links

Breaking News

Zvikwata Zviviri zveCricket yeVanhukadzi Zvinosarudzwa


Chikwata cheCricket chemadzimai chazivisa neChina kuti chasarudza vatambi gumi nevashanu, vachange vakamirira nyika mumakwikwi emutambo uyu. Pazvikwata zviviri izvi, pane National Team, nechimwe chikwata cheZimbabwe "A".

Maneja wechikwata chichamirira nyika, Muzvare Joyce Chizana, vanoti shuviro yavo ndeyekuti mutambo we cricket yevanhukadzi usimudzirwe zvikuru.

Zvikwata zvasarudzwa izvi zvichatanga gadziriro yemitambo ye 2010 regional qualifiers kuitira kuti zvipinde mumakwikwi e2013 World Cup.

Muzvare Chizana vanoti vatambi ava vakasarudzwa kubva kuvatambi vanotamba mutambo uyu munyika mose

Chikwata chichamirira nyika chine mutambi akadomwa semutambi akatamba zvinonwisa mvura gore ra2009, Thandolwenkosi Mlilo.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG