Accessibility links

Breaking News

Supreme Court Inorasa Mhosva Dzaipomerwa Muzvare Mukoko


Dare repamusoro-soro re Supreme Court rinoti mutungamiri we Zimbabwe Peace Project, Muzvare Jestina Mukoko, pamwe naVa Broadrick Takawira, havafanirwe kumiswa pamberi pedare vachitongwa, sezvo masungirwo avakaitwa, asiri pamutemo.

Dare iri rati kodzero dzevanhu ava dzakatyorwa apo vakasungwa vakachengeterwa munzvimbo isina ani aiziva.

Muzvare Mukoko vakasungwa musi 3 Zvita gore rapera nevanhu vakanga vasingazivikanwe kuti vaiva vanani. Mushure mekusungwa kwavo, mapurisa karamba kuti akange asingazive kwaiva naMuzvare Mukoko. Vakazoendeswa kumapurisa kuitira kuti vaendeswe kumatare edzimhosva mushure memasvondo matatu.

Pavakamiswa mudare, Muzvare Mukoko vakange vopomerwa mhosva yekuda kudzidzisa vanhu kuita zvohugandanga. Asi vakaramba mhosva yavaipomerwa.

Muzvare Mukoko vanoti vari kufara zvikuru nemutongo wedare repamusoro soro. Muzvare Mukoko vatendawo zvikuru vanhu vose vakamira navo munguva yavange vakatarisana nemhosva yavanga vachipomerwa.

Mutevedzeri wemutungamiri we Law Society of Zimbabwe, VaTinoziva Bere, vanotiwo vanotarisira kuti nyaya zhinji dziri mumatare dzakafana neyanga ichipomerwa Muzvare Mukoko, dziraswewo nedare, sezvo vanhu vari kupomerwa mhosva idzi, vakatyorerwa kodzero dzavo nezhurumende.



Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG