Accessibility links

Breaking News

VaMugabe Votarisirwa Kugadza Nhengo dzeZEC Itsva


Komiti yeparamende yaiona nezvekusarudzwa kwemakomishina achange ari mu Zimbabwe Electoral Commission, yakabuda neMuvhuro nemazita evanhu gumi nevairi achaendeswa kumutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, avo vachasarudza vanhu vasere vachagara semakomishina muZimbabwe Electoral Commission.

Vamwe vakasarudzwa vanosanganisira nyanzvi munyaya dzemitemo, uye vari mudzidzisi paUniversity of Zimbabwe, Professor Geoff Feltoe, vanga vari mukomisheni yanga iripo, Amai Joice Kazembe naVa Theophilus Gambe, VaKhalayi Njini, gweta VaMkhululi Nyathi, nevamwe.

Pavanhu vachasarudzwa ava panofanirwa kunge paine vanhukadzi vasiri pasi pevana. Amai Rindai Chipfunde-Vava ndivo mutungamiri weZimbabwe Election Support Network.

Amai Chipfunde Vava vanoti semaonero avo makomishina akange ari mukomisheni iri kubviswa, haafanirwe kunge ari mukomisheni itsva sezvo makomishina aya akatadza kubata sarudzo dzegore rapera nenzira kwayo.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...


XS
SM
MD
LG