Accessibility links

Breaking News

VaTsvangirai Vanotsamwiswa neManyepo aVaChinamasa


Hofisi yemutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, yaramba mashoko ekuti Council of Ministers yakabvumirana kuti Zimbabwe ibude muSADC Tribunal.

Bepanhau reHerald rinoti gurukota rezvemitemo, VaPatrick Chinamasa, vakati Council of Ministers, yakabuda nechisungo chekuti Zimbabwe isiyane nedare reSADC iri, vachiti dare iri harina kuumbwa nenzira yakajeka.

Nhengo dzeZANU-PF dziri muhurumende yemubatanidzwa dzakatanga kutaura nezvekubuda mudare iri mushure mekunge Zimbabwe yabatwa nemhosva yekusatevedza mitemo pakutorwa kwemapurazi.

Zvinonzi mudare remakurukota makandiranwa makobvu nematete neChipiri, VaTsvangirai vachiudza VaChinamasa kuti vasazviite kunge ndivo hurumende.

VaChinamasa vanonzi vatanga vachiita nharo vakazobvuma kuti vainge vakanganisa. Nyaya iyi inonzi yaunza makakatanwa pakati pemakurukota ehurumende eMDC ne eZANU-PF.

VaJames Maridadi ndivo mutauriri waVaTsvangirai. VaMaridadi vanoti VaTsvangirai vanoda kuti nyika itevedze zvisungo zvayakanyora.

Nhengo yeZANU-PF, uye vari gavhuna weMashonaland Central, VaMartin Dinha, avo vakamiririra Zimbabwe segweta kudare reSADC Tribunal, vanoti Zimbabwe inofanirwa kubuda mudare iri sezvo risina kugadziriswa zvakanaka.


Dzime Nhau Kubva kuStudio7...


XS
SM
MD
LG