Accessibility links

Breaking News

Christian Alliance Yokurudzira Machechi Kutungamirawo muChirongwa Chekuregererana


Nhengo dzeMDC dzinosvika makumi masere nesere kudunhu reAvilla, kuNyanga, idzo dzanga dzichitarisirwa kumiswa pamberi pedare ramejasitiriti muNyanga makare, dzakundikana kupinda mudare sezvo mutongi wedare anga achifanirwa kunzwa nyaya yavo, akundikana kuuya.

Nhengo idzi dziri kupomerwa mhosva yekubvuta zvinhu kuvanhu veZanu PF.

Asi vanhu ava vanoti zvinhu zvavakatora kunhengo dzeZanu PF, zvinhu zvavo zvakatorwa nevatsigiri veZanu PF, mumhirizhonga yakaitika gore rapera.

Mumiriri weNyanga North, VaDouglas Mwonzora, vaudza Jonga Kandemiiri weStudio7 kuti mapurisa akakanganisa pakusunga vanhu vakatorerwa zvinhu zvavo.

Zvichakadaro, sangano reChristian Alliance of Zimbabwe rinoti vemachechi munyika havafanirwi kumirira vezvematongerwo enyika kuti vatungamire hurongwa hwekuregererana pamwe nekupodza mavanga, sezvo vazhinji vavo vari ivo vaitungamira mhirizhonga yakaitika gore rapera.

Sangano iri rinoti kubva pakaparurwa chirongwa chekupodza maronda nekuregererana, icho chiri kutungamirwa nemakurukota maviri anoti VaJohn Nkomo veZanu PF pamwe naAmai Sekai Holland veMDC inotungamirirwa naVaMorgan Tsvangirai, uye VaGibson Sibanda veMDC inotungamirwa naVaArthur Mutambara, hapana chikuru chati charatidza kuti chirongwa ichi chiri kubatsira.

Nyaya dzekuregererana muZimbabwe dziri kunetsa zvikuru, sezvo mapurisa ari kunzi ari kutadza kugadzirisa makakava akaburitswa nemhirizhonga iyi.

Convenor weChristian Alliance, Reverend Doctor Levie Kadenge, vanoti mudzimwe nzvimbo, vamwe vanhu vari kubvuma mhosva dzavo nekuripa vasingamiriri hurongwa hwehurumende uhu.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG