Accessibility links

Breaking News

VaJohn Nkomo Votsigirwa Zvine Mutsindo muBulawayo


Bato reZANU PF mudunhu reBulawayo, radoma sachigaro veZanu PF, Va John Nkomo, kuti vatore chinzvimbo chakasiyiwa nemushakabvu Joseph Msika, chekuve mutevedzeri wemutungamiri weZANU PF.

Misangano ye politburo ne central committee ye ZANU PF yakaitirwa muBulawayo nemusi weSvondo, ndiyo yakabuda nechisungo ichi. Kana VaNkomo vakatora basa ranga richiitwa naVaMsika, panenge podiwa munhu anotsviva basa ravanga vachiita muZANU PF .

Professor John Makumbe inyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, uye vari mudzidzisi pa University of Zimbabwe. VaMakumbe vanoti VaNkomo ndivo vanokodzera kutora basa rakasiiwa naVaMsika.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG