Accessibility links

Breaking News

Chirwere cheGomarara Chonetsa Kurapwa  muZimbabwe


Zimbabwe yakatarisana nedambudziko rechirwere chegomarara sezvo munyika musina mishonga pamwe nemichina yekubatsira kurapa chirwere ichi.

Sangano r Cancer Association of Zimbabwe rinoti kunyange hazvo vazhinji munyika vava kunzwisisa chirwere chegomarara, vanhu vazhinji vari kufa nekukasika nekuda kwekushaiwa mishonga pamwe nemichina yekurapisa chirwere ichi.

Sangano iri rinoti kune muchina mumwe chete wekurapa chirwere chegomarara uri kushanda munyika. Mimwe michina inonzi yakafa kana kuti iri kushaya zvinodiwa kuti igadziriswe. Kushaikwavo kwenyanzvi dzinonzwisisa chirwere ichi muzvipatara nemakirinika epasi kuri kutadzisawo vanorwara kuti vawane rubatsiro rwakafanira.

Amai Shingirai Dakwa inzvanzvi munyaya dzegomarara uye vachishanda ne Cancer Association of Zimbabwe.

Amai Dakwa vanoti zvinhu hazvina kumira zvakanaka muzvipatara, izvo zviri kupa kuti vanhu vanenge vachirwara negomarara, vatadze kurapwa nemazvo.

Dr Douglas Gwatidzo ndivo sachigaro ve Zimbabwe Doctors for Human Rights. Va Gwatidzo vanotiwo vanhu vanenge vachirwara nechirwere chegomarara vari kutadzwa kurapwa zvakanaka sezvo munyika musina mishina yakawanda yekurapa chirwere ichi.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG