Accessibility links

Breaking News

America neEU Dzinoti VaMugabe Ngavachinje Maitiro


Sangano reEuropean Union pamwe nehurumende yeAmerica, dzazivisa kuti zvirango zvakatemerwa mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, nevamwe vavo, hazvisi kuzobviswa kudzamara VaMugabe nevamwe vavo vava kutevedzera zviri muchibvumirano cheGPA.

Mashoko aya anotevera mashoko aVaMugabe ekuti zvirango izvi zvibviswe apo vakavhura paramende zviri pamutemo neChipiri. VaMugabe vanoti vave kuda kuumbiridza hukama hweZimbabwe nenyika idzi.

Asi mumiriri weSweden muHarare, VaSten Rylander, avo vari kutungamirawo EU Troika muZimbabwe, vanoti havaone hukama hweZimbabwe neEU huchigadziriswa, sezvo VaMugabe nevamwe vavo vasiri kutevedza chibvumirano cheGPA, kunyange hazvo VaMugabe vakazivisa dare reparamende kuti hukama hweZimbabwe neEU hwasvika pachidanho chepamusoro.

VaRylander vaudza Studio7 kuti vakamboita musangano nehurumende mazuva mashoma apfuura, asi hapana chakabuda. Nhengo dzeEU Troika dzinosanganisirawo Czech Republic uye mumiriri weEU muZimbabwe.

Mutungamiri wenyika, VaMorgan Tsvangirai, vari kuchemawo kuti pane vamwe muZANU-PF vari kuomesa musoro kuti GPA isabudirire.

VaCharles Mangongera inyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika. VaMangongera vanoti VaMugabe vanofanira kutanga vachinja maitiro avo vasati vati vekunze vavatambire semutungamiri wenyika.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG