Accessibility links

Breaking News

Matabeleland Yotemesa Zanu-PF Musoro


Matunhu anoti Matabeleland South neMatabeleland North Province anonzi apa kuti muZanu-PF mupinde mhepo yakaipa mushure mekuramba kwawo kutambira kurudziro yePolitiburo yebato iri yekuti adome munhu achatsviva mushakabvu Joseph Msika.

Munyori wezvekufambiswa kwemabasa muZanu-PF, VaDidymus Mutasa, vakapa kurudziro yekuti matunhu aya asarudze munhu achatsiva VaMsika neChitatu asati asvika, kana kuti Politiburo inoguma yoita izvi yoga.

Asi sachigaro weZanu-PF kuMatebeleland North, VaZenzo Ncube, vakati havasi kuzotambira zviri kubva kubato ravo. VaNcube vanotiwo chinzvimbo chakasiiwa naVaMsika chinofanirwa kuva nechirongwa chinobata matunhu ose, sezvo nyaya iyi iri yemunhu wese. Pane mashoko ekuti VaNcube vabva vamiswa basa vachinzi havana kufambisa dzimwe mari dzebato zvakanaka.

Asi VaNcube vakaudza Studio7 kuti havasati vawana tsamba yekuvamisa basa. Bulawayo Province chete ndiyo yakadoma sachigaro weZanu PF, VaJohn Nkomo, kuti vave mutevedzeri wemutungamiri weZanu-PF.

Asi zvinonzi mamwe matunhu maviri emuMatabeleland haasi kuwirirana nekuti vamwe vanoti vari kuda vamwe vakaita semumiriri weZimbabwe kuSouth Africa, VaSimon Khaya Moyo, gurukota rezvemigodhi, VaObert Mpofu, uye gavhuna weBulawayo, VaCain Mathema.

Izvi zvinonzi zvatemesa vakuru vebato iri musoro, avo vange vachida kuti VaNkomo vatore chigaro ichi pasina mutauro wakanyanya. Zvinonzi vakuru vebato vakaswera vari chipatapata neChipiri vachitaura nevematunhu aya kuti vadome munhu wavanoda nechimbichimbi.

VaCharles Mangongera vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika. VaMangongera vanoti Zanu-PF yave kuita mamvemve nekunetsana kwakadai.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG