Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Inoita Mangange 2-2 neLesotho


Zimbabwe Warriors yaita mangange 2-2 neLesotho pamutambo wayo weChipiri mumakwikwi e2009 COSAFA Challenge Cup, uyo watambirwa kunhandare yeRufaro neMuvhuro masikati.

Makwikwi aya ari kutambirwa munyika muHarare neBulawayo. Zimbabwe Warriors yakakunda chikwata cheMauritius 3-0 mumutambo wekutanga wakatambwa neMugovera kuRufaro Stadium. Asi zvinonzi vatsigiri veZimbabwe Warriors vagumbuka nematambiro aita chikwata chavo sezvo mangange ave kureva kuti maWarriors ave kutomirira zvichabuda pamutambo weLesotho ne Mauritius neChitatu kuti vazive remangwana avo.

Pane mimwe mitambo yeGroup “B” ichatambirwa kuBulawayo neChipiri, Botswana ichatamba ne Swaziland, Seychelles yotambawo ne Comoros.

Mutori wedu wenhau dzemitambo, George Mupfuti, anoti zvaitwa nevakomana veZimbabwe zvarwadza vanhu vakawanda avo vanga vakatarisira kurakashwa kwemaWarriors.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG