Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Warriors Yapinda muQuarter Final yeCOSAFA


Zimbabwe Warriors yapinda mu quarter final yemakwikwi e2009 Cosafa Senior Challenge Cup, zvichitevera kukundwa kwaitwa Mauritius 1- 0 neLesotho kunhandare yeRufaro neChitatu masikati.

Chibodzwa cheLesotho chaniswa na Marabe Mokone kwasara maminitsi maviri kuti mutambo upere.

Zimbabwe ichange iri mumakwikwi e quarter final nezvimwe zvikwata zvinomwe.

Murairidzi wechikwata chema Warriors, VaSunday Chidzambwa, vanoti vakomana vebhora vakagadzirira kuitira kuti vasakundwe mumakwikwi aya. VaChidzambwa vabvuma kuti Zimbabwe haina kukwanisa kutamba zvakanaka mumutambo wayo neLesotho, uyo wakapera ari mangange 2-2 kunyange hazvo Zimbabwe yakatanga iri pamberi pamutambo uyu.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7…

XS
SM
MD
LG