Accessibility links

Breaking News

Vadzidzisi Votiza Mhirizhonga Muzvikoro


Sangano re Progressive Teachers Union of Zimbabwe rinoti riri kushushikana nekutanga zvakare kushungurudzwa kuri kuitwa vadzidzisi mumaruwa nevechidiki veZanu-PF.

PTUZ inoti kunyange hazvo kumbunyikidzwa kwevadzidzisi kwagara kuripo, izvi zvazonyanya kubva pakamira MDC kushanda ne Zanu-PF muhurumende yemubatanidzwa.

Vamwe varairidzi munzvimbo dzeChiweshe, Murehwa neBuhera, vanonzi vakatotiza munzvimbo idzi. Munyori mukuru wePTUZ, Va Raymond Majongwe, vanoti zviri kuitika muzvikoro zviri kushungurudza vadzidzisi vakawanda, uye zvinodzosera shure dzidzo yevana vechikoro.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG