Accessibility links

Breaking News

Nhengo dzeMDC Dzotarisana neKupambwa


Imwe nhengo yeMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai, inoti yapona nepaburi retsono apo yange ichida kupambwa nevarume vanofungidzirwa kuti vasori.

Amai Edith Mushayire, avo vanoshanda mubazi rezvekuchengetedzwa kwebato, vanoti izvi zvaitika mangwanani eChipiri apo vanga vachienda kubasa. Amai Mushayire vati vavhunduka zvikuru kuona mumwe murume achivabata ruoko achiti vasungwa.

Vanoti vabva vatanga kunetsana nemurume uyu, sezvo anga ovadhonzera kumotokari yanga yakamira. Varume vanga vari mumotokari iyi vanonzi vabuda mumotokari vachida kubatsira mumwe wavo.

Mumwe wevarume ava anonzi atora pfuti ndokurova Amai Mushayire nepfuti iyi, izvo zvazopa kuti varidze mhere. Varume ava vabva vasiya Amai Mushayire apo vanga voraidza mhere nekuti vanhu vanga vaungana vachida kuona chaitisa kuti Amai Mushayire varidze mhere.

MDC inotiwo mumwe mushandi wayo, VaPascal Gwezere, vapamwa kuMufakose nevarume vanga vakapakatira pfuti uye vachishandisa chikakarara chemotokari yerudzi rwe Isuzu. Zvinonzi izvi zvaitika manheru eChipiri.

Mutauriri weMDC, VaNelson Chamisa, vanoti bato ravo riri kunetseka nekushungurudzwa kuri kuitwa nhengo dzaro munyika. VaChamisa vati bato ravo richaramba richirwira kodzero dzevanhu munyika, kudzamara zvinhu zvanaka.

Studio7 haina kunzwa kumapurisa nezvekupambwa kwevanhu.

Executive Director veCentre for Research and Development, VaFarai Maguwu, vanoti ZANU-PF iri kuda kutyisidzira MDC kuitira kuti isabude muhurumende yemubatanidzwa.

Zvinhu hazvina kumira zvakanaka muhurumende yemubatanidzwa zvichitevera makakatanwa aripo pakati paVaMugabe naVaTsvangirai, avo vari kunetsana zvikuru pazvinhu zvinofanirwa kunge zvichiitwa nehurumende yemubatanidzwa.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG