Accessibility links

Breaking News

VaPascal Gwezere Vanowanikwa Vakakuvara Zvakaipisisa


Mumwe mushandi mukuru muMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai, uyo akapambwa nechisimba neChipiri manheru achangobva kubasa, awanikwa akarohwa zvakaipisisa.

VaPascal Gwezere vakatorwa nechisimba kumba kwavo kuMufakose nevarume vaive mumotokari yeIsuzu ndokuendwa navo kusina ani anoziva. Vazoonekwa neChitatu vakakuvara zvakaipisisa.

Kupambwa kwaVaGwezere kunoitika apo mhirizhonga yezvematongerwo enyika yava kuitika munzvimbo dzakasiyana siyana. Imwe nhengo yeMDC, Amai Edith Mushayire, vanonziwo vakapona nepaburi retsono neChipiri apo vakange voda kupambwa mukati meguta nevanhu vanofungidzirwa kuti vasori.

Amai Mushayire vanoti vakatoridza mhere kuti vapone sezvo varume vaive nepfuti vaida kuvadhonzera mumotokari yavaiva nayo.

Mutauriri weMDC, VaNelson Chamisa, vanoti Zanu PF ndiyo iri kuedza kuda kupamba nhengo dzebato ravo.

Vachitaurawo nezvekurohwa kwaVaGwezere, mutevedzeri waVaChamisa, Muzvare Thabitha Khumalo, vatiwo bato ravo richiri kuferefeta zvakaitika pana VaGwezere, kuitira kuti rizotora matanho akakodzera.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG