Accessibility links

Breaking News

Carole Gombakomba Orangarirwa muWashington DC neMugovera


Mhuri yemuchakabvu, Carole Gombakomba, uyo aive mutori wenhau weStudio7, iri kuita munamato wenyaradzo neMugovera wekurangarira Carole, uyo akashaya musi wa18 Zvita gore rapera.

Carole Netsai Gombakomba akashaya mushure mekunetseka nechirwere chegomarara kwenguva yakareba.

Munamato uyu uri kuitirwa pa Emory United Methodist Church, panhamba 6100 Georgia Street, North West, Washington DC.

Munamato wenyaradzo uyu uri kutanga na 2pm. Asi vanhu vachatanga vaenda kunoisa maruva parinda remufi. Vapedza kuisa maruva, vanhu vachaenda kuchechi.

Carole aive mutori wenhau aizivikanwa zvikuru, uye aiita basa rake asina kwaakarerekera. Akashaya ava nemakore makumi mana, uye akasiya mwanasikana wake, Nakiso Melany Mugodhi.

Mukoma wamuchakabvu, Amai Nelly Kaiyo, vanoti zuva reMugovera richange riri rekurangarira Carole pamwe nemabasa aakaita nyadenga vasati vamutora.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7…

XS
SM
MD
LG