Accessibility links

Breaking News

ZIFA Yorova Bembera neMafambiro Akaita 2009 COSAFA


ZIFA inoti iri kufara zvikuru nemafambiro akaita makwikwi e2009 Cosafa Senior Challenge Cup, ayo akapera munyika neSvondo.

Zimbabwe ndiyo yakatakura mukombe wegore rino mushure mekukunda Zambia 3-1.

Zvikwata zvinokwana gumi nezvina zvakange zviri mumakwikwi aya, ayo akatambirwa muHarare nemuBulawayo.

Sachigaro weZIFA, VaWellington Nyatanga, vanoti vakomana vema Warriors vakatamba bhora zvinofadza vatsigiri venhabvu.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7..

XS
SM
MD
LG