Accessibility links

Breaking News

SADC Yotarisirwa Kuita Musangano weKuzeya Zimbabwe neChina


Mutungamiri weDemocratic Republic of Congo, DRC, uye vari sachigaro weSADC, VaJoseph Kabila, vasangana nemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vakakurukura zviri kunetsa muhurumende yemubatanidzwa. Rwendo rwaVaKabila kuZimbabwe hunotevera rwendo rwenhumwa dzeSADC Troika svondo rapera, idzo dzakapinda munyika dzichida kunzwa pamwe nekuona mashandiro ari kuita hurumende yemubatanidzwa.

Mushure mekuita musangano naVaKabila, VaMugabe vaburitsa mashoko ekuzivisa nezvehurukuro yavaita naVaKabila.

Mutungamiri weDRC anonzi aitawo musangano nemutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, vakazeyawo zviri kunetsa muhurumende itsva yeZimbabwe.

Dzimwe nyanzvi dzinoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika dzinoti rwendo rwaVaKabila, hahuna zvikuru zvahunokwanisa kushandura pamamiriro akaita zvinhu muhurumende yemubatanidzwa.

Nyanzvi idzi dzinoti VaKabila munhu anoonekwa seanotsvaga dzvene kuna VaMugabe, kana pakatariswa nhoroondo yenyika yeDRC.

VaMugabe nebato ravo reZanu PF vagarawo vachiti matambudziko ari munyika anogadziriswa chete nevana veZimbabwe, kwete vekunze, izvo zviri kuonekwa nevamwe senzira yekunonotsa kufambiswa kwezvakabvumiranwa muchibvumirano cheGPA.

SADC iri kutarisirwa kuita musangano wekuzeya nyaya yeZimbabwe nemusi weChina kuMaputo, kuMozambique.

Hapasati pajekeswa kuti nyika dzose dzemuSADC dzichange dziri pamusangano uyu here, kana kuti nyika nhatu dziri muSADC Troika, dzinoti Mozambique, Swaziland ne Zambia, ndidzo chete dzichange dziri pamusangano uyu.

Munyori mukureu weSADC, VaTomaz Salamao, vanoti SADC ichazivisa kuti musangano uyu uchafamba seyi.

VaPedzisai Ruhanya vanoongorora zvematongerwo enyika, uye vachishanda saSenior Programs Manager weCrisis in Zimbabwe Coalition. VaRuhanya vanoti musangano weSADC unofanirwa kuudza VaMugabe kuti vatevere zviri muGPA.

Gakava pakati paVaMugabe naVaTsvangirai riri kuramba richienderera mberi, izvo zvakapa kuti MDC igure kudyidzana kwayo neZanu PF muhurumende yemubatanidzwa.

VaTsvangirai vanoti havasi kufara nekugadzwa kwakaitwa gavhuna webhanga guru renyika, VaGideon Gono, pamwe nemuchuchisi mukuru wehurumende, VaJohannes Tomana. izvo vanoti zvakaitwa naVaMugabe zviri kunze kwechibvumirano cheGlobal Political Agreement

.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG