Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yotsika Madziro paNyaya yeMangoda


Hurumende inoti iri kuyedza nepose painogona napo kutevedzera zvinodiwa ne Kimberly Process mukuchera pamwe nekutengeswa kwemangoda e kwaMarange.

Gurukota rezvicherwa, Va Obert Mpofu, vaudza Studio7 mashoko aya vari kuWindhoek ku Namibia uko vari kupikisa masangano akazvimirira ega nedzimwe nyika dziri kuti Zimbabwe imbomiswa kutengesa mangoda ayo.

Va Mpofu vatiwo manyepo chaiwo, kuti vari kutyisidzira vanhu vari ku Windhoek. NeChipiri pakabuda mashoko ekuti Executive Director veCentre for Research and Development, VaFarai Maguwu, vakatyisidzirwa kuWindhoek, vakatozopedzisira vatiza kumusangano uyu, uko vanga vachifanirwa kupa humbowo hwezviri kuitika kwaChiadzwa.

VaMpofu vatiwo hurumende yava nemakambani maviri ayakawirirana nawo ayo akatotanga kuendesa michina kwaMarange kundotanga kuchera mangoda zviri pamutemo.

Sangano reHuman Rights Watch riri kukurudzira Kimberly Process kuti imbomisa Zimbabwe kutengesa mangoda ayo pamusika wepasi rose. Sangano iri rinoti hurumende iri kutyora kodzero dzevanhu kwaMarange, uye mangoda ari kucherwa kunzvimbo iyi ari kutengeswa nenzira isiri kwayo.

Vari kutevera zviri kuitika kuWindhoek vanoti Zimbabwe inogona kupunyuka, sezvo dzimwe nyika dziri mukomiti yesangano reKimberly Process dziri kutsigira nyaya yekuti Zimbabwe isaomeserwe.

Va Philip Nyakutombwa igweta rinoshanda neZimbabwe Lawyers for Human Rights. VaNyakutombwa vanoti zviri pachena kuti kodzero dzevanhu dziri kutyorwa nehurumende kwaMarange.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG