Accessibility links

Breaking News

Hurumende Inoti Haina Mari yeKubatsira Varimi


Hurumende inoti haina kukwanisa kuunganidza mari yakakwana uye zvinodiwa pakurima mwaka uno, izvo zvichaita kuti goho regore rinouya risange rakamira zvakanaka.

Munyori mubazi rezvekurima, VaNgoni Masoka, vakazivisa neMuvhuro kuti hurumende yakanga yangokwanisa kuunganidza mari inoita $5.7m chete, kubva pa$48m yayanga ichitarisirwa kuunganidza.

Makambani anogadzira mbeu nefotereza anonzi akadzikisawo huwandu hwezvigadzirwa, nekuda kwekuoma kwezvinhu pasi rose.

Masangano ekunze anopa rubatsiro haasiwo kukwanisa kupa murimi wese rbatsiro, sezvo achinyanyobatsira chete vasingakwanisi kuzvibatsira. Sangano reEuropean Union rinonziwo riri kubatsira varimi nezvekurimisa.

Mabhanga anonziwo ari kuti anoda chibatiso kuti akawanise kukweretesa varimi mari yekutenga zvinodiwa pakurima.

Mumwe murimi wekuMashonaland East, VaStanley Mukwamba, vanoti varimi vakawanda vari kutadza kuwana rubatsiro sezvo vasina ruzivo rwakakwana rwekuti rubatsiro vorwuwana sei uye kupi.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG