Accessibility links

Breaking News

VaTsvangirai Vanotarira VaMugabe Nguva yeKugadzirisa Zvinhu


Musangano weSADC Troika wekuzeya gakava riri muZimbabwe wapera neChina manheru muMaputo kuMozambique, paine vimbiso kubva kumutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, yekuti bato ravo ravakudzokera kunoshanda neZanu PF muhurumende yemubatanidzwa.

Vachitaura neChina manheru mushure memusangano uyu, VaTsvangirai vaudza vatori venhau kuti vari kupa mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, mazuva makumi matatu ekuti vagadzirise zvose zviri kunetsa muhurumende yemubatanidzwa. VaTsvangirai havana kutaura kuti vachatora danho ripi kana VaMugabe vakakundikana kuita izvi mukupera kwemazuva matatu.

VaTsvangirai vakacheka hukama hwebato ravo neZanu PF musi wa16 Gumiguru, vachiti makurukota avo ose haasi kuzopinda mumisangano inenge iine makurukota eZanu PF, kudzamara VaMugabe neZanu PF vaita zviri kudiwa neMDC.

VaTsvangirai vanoti havasi kufara nehumbimbindoga hwakaitwa naVaMugabe pavakadoma gavhuna webhanga guru renyika, VaGideon Gono, pamwe nekupa kwavakaita VaJohannes Tomana, basa rekuva muchuchisi mukuru wehurumende.

Chibvumirano cheGlobal Political Agreement chinosungira vatungamiri vemapato ari muhurumende kuti vapangane mazano pakupa basa vanhu vane zvinzvimbo zvikuru muhurumende, izvo zvisina kuitwa naVaMugabe.

Dzimwe nyaya dziri kunetsa dzinosanganisira kuramba kwaVaMugabe kugadza magavhuna eMDC mumatunhu ayakakunda, kusagadzwa kwaVaRoy Bennett semutevedzeri wegurukota rezvekurima, pamwe nekusungwa sungwa kuri kuitwa nhengo dzeMDC.

Vachitaura musangano uyu usati watanga, mutungamiri weMozambique, VaArmando Guebuza, vakurudzira vatungamiri veZimbabwe kuti vabatane kuitira kuti vanyukure nyika kubva mumadhaka mairi.

Nyika dziri muSADC Troika dzazeya gakava iri dzinoti Mozambique, iyo inova sachigaro, Zambia neSwaziland.

Mutungamiri weSouth Africa, VaJacob Zuma, vaendawo kumusangano uyu vachikurudzira kuti VaMugabe naVaTsvangirai vawirirane.

Mutauriri waVaTsvangirai, VaJames Maridadi, vaudza Studio7 mashoko aVaGuebuza pakuparura kwavo musungano uyu. VaMaridadi vataura mashoko aya apo musangano wanga uchiri pakati pekuzeya gakava riri muZimbabwe.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG