Accessibility links

Breaking News

Mvura Inomisa Makwikwi eLogan Cup


Mvura yamisa neChipiri mutambo wekiriketi wezuva rechipiri wemakwikwi eLogan Cup ayo ange achitambirwa kwaMutare pakati peMountaineers ne Eagles.

Pamutambo weMuvhuro, Mountaineers yakasvitsa 291 runs. Chikwata cheMashonaland Eagles chamisa mutambo wacho neChipiri chiine 242 runs. Mutambo uyu uchaenderera mberi mangwana kana mvura ikasanaya.

Vanoona nezvekufambiswa kwemashoko muZimbabwe Cricket, Va Jeff Murimbechi, vanoti vanotarisira kuti mamiriro ekunze achange akanaka kuitira kuti mutambo weMashonaland Eagles uenderere mberi pasina zvipingaidzo.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG