Kuramwa mabasa kwanga kwakarongwa nesangano reAmalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe, ARTUZ, kwapera neChitatu sangano iri richiti hurongwa hwaro hwemazuva matatu hwakabudirira zvikuru.
Vachitaura neStudio7 parunhare, mutungamiri weARTUZ, VaObert Masaraure, vati hutungamiri hwesangano ravo huri kusangana neChina kuti huzeye zvakabuda mukuratidzira kwavo.
VaMasaraure vati sangano ravo richabuda negwara rekutora mushure mekunzwa zvinobva kumativi mana enyika zvinenge zvichikurudzirwa nenhengo dzavo.
VaMasaraure vati varairidzi vakawanda vanga vachikurudzira kuti kuramwa mabasa uku kuenderere mberi kudzamara hurumende yagadzirisa zvichemo zvavo.
Asi vati vacharamba vakamira nechisungo chavo chemazuva matatu, zvimwe zvinozoitwa zvinobva muvanhu.
Kuramwa mabasa kwenhengo dzeARTUZ kwaitika panguva iyo mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vaparura chirongwa chenhaurirano pakati pevashandirwi, vashandi nehurumende, cheTripartite Negotiating Forum, kana kuti TNF.
VaMnangagwa vanonzi vasainawo bhiri remutemo weTNF vamwe vachiti pane zvikamu zvakawedzerwa mumutemo weTNF zvinoita kuti kuratidzira kwevashandi kusaite nyore.
Asi VaMasaraure vati chakakosha hausi mutemo unobata vashandi asi kuti bumbiro remitemo inobata vashandi.
Vati ikodzero yemushandi wese kuratidzira kana asiri kugutsikana nezvinenge zvichiitwa nemushandiri.
Nhengo dzeARTUZ dzakasungwa muna Kurume zvichitevera kuramwa mabasa nekuratidzira kwakarongwa neZimbabwe Congress of Trade Unions, ZCTU, muna Ndira.
Vatungamiri veZCTU vakasungwawo zvichitevera chiitiko ichi.
Facebook Forum