Sangano rinomiririra vadzidzisi vekumaruwa, reAmalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe, ARTUZ, rinoti razivisa hurumende kuti inofanirwa kugadzirisa zvichemo zvaro mukati memazuva gumi nemana, kutadza kwayo, ropinda mukuramwa mabasa.
Sangano iri rinoti riri kuda kuti mihoro yevadzidzisi inge iri mumadhora ekuAmerica, kana kuti ichibhadharwa nemari inowirirana nemazana mashanu emadhora ekuAmerica.
Gwaro reARTUZ rakasvitswa nemusi weChishanu mumaoko ehurumende kuburikidza nemapazi evashandi vehurumende, rePublic Service Commission nerezvemari.
Studio7 haina kukwanisa kunzwa kudivi rehurumende panyaya iyi, sezvo gurukota rezvekuburitswa kwemashoko, Amai Monica Mutsvangwa, vange vasiri kubatika panharembozha yavo.
Mutungamiri weARTUZ, VaObert Masaraure, vanoti sevarairidzi, vanodawo kurarama kwakanaka, asi hazvisi kuitika semadiro avo.
VaMasaraure vanoti kunyange hazvo hurumende ichiti iri kunetseka munyaya dzehupfumi, inogona kugadzirisa zvinhu kana ikarwisa huori mumapazi ayo, pamwe nekufambisa mari dzehurumende nenzira kwadzo.
VaMasaraure vanoti mari yakawanda yehurumende iri kupedzerwa muzvinhu zvisinganyanyobatsiri nyika zvakaita senzendo dzekunze kwenyika, kutenga zvikakarara zvemotokari nezvimwe zvinogona kumbosendekwa parutivi kutira kuti vashandi vehurumende vawane mihoro yakanaka.
VaMasaraure vanoti semaonero avo, munyika mune mari inogona kugadzirisa zvinhu zviri kunetsa, asi dambudziko riripo nderekuti homwe yenyika haisi kubatwa zvakanaka, uye havasi kuona chido chekugadzirisa zvinhu kubva kuvakuru vakuru muhurumende.
Facebook Forum