Accessibility links

Breaking News

JOMIC Inoramba Kutambira Mashoko aVaChinamasa


Bato reMDC inotungamirirwa naVaMorgan Tsvangirai, raramba mashoko akaturwa kuJOMIC negurukota rezvemitemo, VaPatrick Chinamasa, ekuti riri kupindira munyaya dzekugoverwa kwechikafu mudunhu reMakoni, kuManicaland.

VaChinamasa vanonzi vakanyorera JOMIC tsamba vachinyunyuta kuti MDC, ichishanda nesangano rinopa rubatsiro reGOAL, iri kuita zvematongerwo enyika panyaya dzechikafu, uye kupa magwaro ekushambadza bato iri kune vanenge vaenda kunopiwa rubatsiro.

Zvinonzi svondo rapera JOMIC yakatumira chikwata chakandoongorora nezvezvinyunyuto yakabva kuna VaChinamasa.

Mumwe mushandi weJOMIC asina kuda kudomwa nezita sezvo asingabvumidzwe kutaura nevatori venhau, audza Studio 7 kuti chikwata chavo hachina kuwana humbowo hwezvakaturwa naVaChinamsa, asi kuti bato reMDC raipa vanhu gwaro renhau rinoburitswa nemutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai.

Mapato ezvematongerwo enyika pamwe neJOMIC vakazowiriranawo kuti hapana vezvematongerwo enyika vanofanirwa kusvika panenge pachipiwa rubatsiro.

Mutauriri weMDC kuManicaland, VaPishai Muchauraya, vanoti VaChinamasa vatotanga kutsvaga rutsigiro rwechinzvimbo chakasiiwa nevaive mumiriri weMakoni Central, mushakabvu John Nyamande, avo vakashaya mutsaona yemotokari mwedzi wapera.

Hatina kukwanisa kubata VaChinamasa kuti tinzwewo divi ravo.

XS
SM
MD
LG