Accessibility links

Breaking News

Bazi rezveKuburitswa kweMashoko Rinoti Rakapihwa Mari Shoma muBhajeti


VaMthuli Ncube naAmai Monica Mutsvangwa
VaMthuli Ncube naAmai Monica Mutsvangwa

Munyori mukuru mubazi rezvekuburitswa kwemashoko, VaNick Mangwana, neMuvhiro vakakumbira nhengo dzeparamende kuti dzitaure nebazi rezvemari kuti riwedzere bazi ravo nemakambani ari pasi pavo mari kuti vakwanise kuita basa ravo vachiti mari yavakapihwa nemubhajeti yegore rinouuya ishoma.

Vachizeya bhajeti rakapihwa bazi ravo pamberi pekomiti yeparamende inoona nezvekuburitswa kwemashoko, VaMangwana vati vaida mabhiriyoni matatu nezviuru mazana manomwe kana $3.7 billion asi vakapihwa bhiriyoni imwe chete nezviuru mazana mana kana kuti $1.4 billion chete izvo zvinovatadzisa ivo nemakambani ari pasi pavo kuita basa nemazvo.

Vati mari yebazi ravo yakashota nemamiriyoni mazana maviri nemakumi mapfumbamwe nemashanu kana kuti $295 milllion uye vanofunga kuti vakawedzerwa imwe mamiriyoni makumi manomwe $70 million vanogona kuita basa sezvavari kutarisira.

VaMangwana vakatenda bazi rezvemari nekutsigira Zimbabwe Broadcasting Corporation nemari kekutanga mukati mamakore anodarika makumi maviri asi vakati mari yacho ishoma.

ZBC yaida mari inosvika mamiriyoni mazana mana nemakumia masere nematatu kana kuti $483 milion asi ikapihwa mamiriyoni zana nemakumi matatu kana kuti $130 million chete iyo vati ichaperera mukubhadhara zvikwereti zvemuno chete.

Vati ZBC ine zvikwereti kuvaimbi, vanyori vemutambo nevamwe vakawanda uyewo michina yavo yebasa yasakara zvekuti inotadza kuratidza mitambo yenhabvu chaiyo inofanirwa neveruzhinji.

Vatiwo kana dzimba dzekushandisa kuZBC dzave nenguva dzisina kugadzirwa uye hakuna kana motokarai dzekushandisa zvekuti vashandi vanofamba vakamanikidzika zvinovaisa munjodzi yekubatwa neCoronavirus.

VaMangwana vati zvakakosha kuti ZBC itsigirwe nemari yakawanda kuti iite basa rayo nemazvo vachiti kunyange hazvo kuine dzimwe nhepfenyuro munyika, ZBC ndiyo inosungirwa nemutemo kunge ichipa vanhu nhau nguva dzese.

Asi dzimwe nhengo dzekomiti iyi dzakaita saVaSettlement Chikwinya dzakati, ZBC inokwanisa kuunganidza mari nemitero yemarezinesi kana ikaburitsa nhau nezvirongwa zvinofadza veruzhinji.

VaMangwana vatiwo Broadcasting Authority of Zimbabwe neTransmedia idzo dzinoita basa guru pakufambisa masaisai nemarhedhiyo nematerevezhizheni dzakapihwawo mari shoma zvekuti kunyange hazvo vakapa marezenisi kumaterevhizheni matsva hapana mari yekutenga nekuvaka maTransmitters matsva.

VaMangwana vanoti kuti nzvimbo dzese dzikwanise kuona materevhizheni nyika inoda maTransmitter makumi mana nemasere asi mari yakapihwa BAZ inokwanisa maTransmitter gumi nemasere chete.

BAZ yaida bhiriyoni imwe chete nezvuru mazana matanhatu kana kuti $1.6 billion asi ikapihwa mamiriyoni mazana matanhatu kana kuti $600 million chete. VaMangwana vati zvingave nane kuti iwedzerwe mari inodarika mamiriyoni mazana maviri kana kuti $200 million kuti ikwanise kuwedzera mamwe maTransmitter.

Ukuwo Transmedia yaida mamiriyoni mashanu nemakumi maviri kana kuti $542 million asi ikapihwa mamiriyoni makumi mapfumbamwe kana kuti $90million iyo vati ichaperera kunhepfenyuro dzemunharaunda dzavari kuronga kupa marezenesi munguva pfupi inotevera.

Mukuru weMedia Institute of Southern Africa-Zimbabwe vaTabani Moyo vati zvakakosha kuti bazi rezvekuburitswa kwemashoko ripihwe mari kuti rikwanise kuite basa raro nemazvo.

Mashoko aya atsinhirwa nemunyori mukuru musangano reZimbabwe Union of Journalists, VaFoster Dongozi.

Mamwe makambani ari pasi pebazi iri aboti New Ziana neZimbabwe Film School haanawo kupihwa mari yakakwana.

Gurukota rezvemari, Muzvinafundo Mthuli Ncube, vakatura bhajeti regore rinouuya remabhiriyoni mazana mana nemakumi maviri nerimwe kana kuti $421 billion, uye paramende inotarisirwa kupasisa bhajeti iri isati yaenda kukisimusi.

VaNcube vane mukana wekutererera zvichemo nekuwedzera mari kune mamwe mapazi bhajeti iri risati rapasa muparamende.

Nyaya Ina Godwin Mangudya
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:57 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG