Bishop Abel Muzorewa, 85, vakashaya nezuro kumba kwavo mu Harare mushure mekurwa nechirwere chegomarara. Veruzhinji nhasi vaswera vachinyaradzana nemhuri yaVa Muzorewa. Va Muzorewa vakafa mushure mekutambira mashoko ekuti munin'ina wavo aigara ku America, uye wavakabva kunoona mavhiki mashoma apfuura, ainge ashaya.
Mutori wedu wenhau, Thomas Chiripasi, anotipa nyaya inotevera.
Vachitaura pamusoro pehupenyu hwa Bishop Abel Muzorewa, Reverend Forbes Matonga, avo vakashanda naVa Muzorewa kwenguva yakareba, vanoti chechi yavo ye United Methodist Church yarasikirwa zvikuru nemunhu aida runyararo uye akaita basa guru munyaya dzedzidzo munyika.
Nyanzvi munyaya dzezve matongerwe enyika, uye vari mudzidzisi pa University of Zimbabwe, Va John Makumbe, vanoti Va Muzorewa vakaita basa guru munguwa iyo varwiri verusununguko vaiedza kupedza hutongo hweudzvanyiriri.
Muimbi ane mukurumbira munyika, Thomas Tafirenyika Mapfumo, akashorwa zvikuru nevarwiri verusununguko apo akaimbira Bishop Muzorewa kuBarbourfield Stadium munguva yehondo. Asi Va Mapfumo vanotsanangura zvakaitika apo vakaita hurukuro neStudio Seven makore akati kuti apfuura.