Mutungamiri webato rinopikisa rePeople’s Democratic Party, PDP, VaTendai Biti, vanoti kunetsana kuri kuitika muZanu-PF kunogona kukonzera kusagadzikana kwenyika kana kurwisana pachideuka ropa mubato iri.
Mubato reZanu-PF maita kunetsana kunotyisa pakati pevanhu vanonzi vari kutsigira chikwata cheG40 chinonzi chinotsigira Amai Grace Mugabe nechikwata chiri kunzi Team Lacoste chiri kutsigira mutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa.
VaBiti vanoti zvinhu zvashata muZanu PF zvokuti zvikasagadziriswa, vanhu vachatanga kuurayana mubato iri.
VaBiti vanoti munyika mava kuda hurumende inofanobata matomu, transitional authority, kuitira kuti zvinhu zvigadziriswe nenzira kwayo.
Asi VaBiti varamba mashoko ekuti vakaudza vatori venhau kuti havafi vakashanda zvakare munyayaya dzematongerwo enyika nemutungamiri we MDC, VaMorgan Tsvangirai.