Accessibility links

Breaking News

Botswana ne Zimbabwe Dzinoita Musangano weKutanga Mumakore Maviri


Pakapera musangano uyu, Botswana yakakurudzira kuti nyika dzakatemera Zimbabwe zvirano, dzibvise zvirango izvi, sezvo zviri kukanganisa kufambira mberi kwehurumende yemubatanidzwa.

Zimbabwe ne Botswana dzakaita musangano wekutanga pakati padzo mumakore maviri ku Victoria Falls neSvondo. Musangano uyu wakanga uri wekuedza kugadzirisa hukama hwenyika mbiri idzi.

Botswana neZimbabwe dzange dzagara dzakarimirana pamuganhu zvichitevera danho rakambotorwa nemutungamiri weBotswana, VaKhama Ian Seretse Khama, rekushora hutongi hwaVaMugabe.

Pakapera musangano uyu, Botswana yakakurudzira kuti nyika dzakatemera Zimbabwe zvirango, dzibvise zvirango izvi, sezvo zviri kukanganisa kufambira mberi kwehurumende yemubatanidzwa.

Mumwe wemakurukota ehurumende akapinda musangano uyu, Va Giles Mutseyekwa, vanoti vanovimba kuti uku ndiko kutanga kwekugadzirisa hukama hwenyika mbiri idzi.

Asi nyanzvi munyaya dzezvematongerwe enyika, uye vachidzidzisa pa University of Zimbabwe, Va John Makumbe, vanoti pachine ndima huru inoda kurimwa kuti zvinhu zviite zvakanaka pakati penyika peZimbabwe neBotswana.

XS
SM
MD
LG