Hurumende yeBotswana inoti ichaita musenga bere kune zvizvarwa zveZimbabwe izvo zviri muhupoteri munyika iyi kana zvikasasarudza kunyoresa kuti zvidzoserwe kumusha musi wa31 Zvita usati wapera.
Asi hurongwa hweBotswana uhwu hwuri kushoropodzwa nenyanzvi munyaya dzekodzero dzevanhu pamwe nevapoteri avo vanoti vakatiza mhirizhonga nekumbunyikidzwa munyika nenhengo dzebato rinotonga reZANU PF.
Mudzidzisi wemitemo paGaborone University College of Law and Professional Studies, VaCharles Kungwengwe, vanoti danho iri rinoratidza kuti hurumende yeBotswana hairemedzi zvisungo zvakaitwa nesangano remubatanidzwa wenyika dzepasi rose, reUnited Nations.
Sangano rinochengetedza kodzero dzevapoteri pasi rose reUnited Nations High Commissioner of Refugees rakasunga kuti hakuna nyika inofanirwa kumanikidza kudzosera vapoteri kwavakatiza kana paine kuratidza kuti hupenyu hwavo huri munjodzi nokuda kwezvematongerwo enyika kana chii zvacho.
Chisungo ichi chakaitwa musi wa23 Nyamavhuvhu 1977 chichitsigira chimwe chisungo che United Nations Convention chakaitwa muna 1951.
Imwewo nyanzvi munyaya dzekodzero dzevapoteri uye vachidzidzisa mitemo paUniversity of Botswana, VaTakudzwa Matambo, vashoropodza danho reBotswana vachiti vapoteri ava vanogona kukwidza nyaya yavo kumatare edzimhosva vachipikisa zviri kuitwa neBotswana.
Mukokeri wesangano remubatanidzwa wemapato anorwira kodzero dzevashandi muBotswana, reBotswana Federation of Trade Unions, VaGadzani Mhotsa, vanoti hurumende yeBotswana yatora danho iri isana kutsanangurira veruzhinji kuti yakaongorora here mamiriro ezvinhu muZimbabwe kana kuti kwete.
Mutauriri wevari muhupoteri muBotswana, VaBhekimpilo Weza, vaudza Studio7 kuti hurumende yeBotswana haisi kuda kuteerera nhunha dzeavo vakatiza mhirizhonga yakaitika munyika mushure mesarudzo yemutungamiri wenyika yakadzokororwa muna 2008.
Vapoteri vari muBotswana vazhinji vakatiza kuZimbabwe muna 2008, vazhinji vavo vachiti vatsigiri veMDC vakatiza misha yavo mushure mekurayirwa hama dzavo mumhirizhonga yakaitika mugore iri.
Mukuru anoona nezvekuchengetedzwa kwevapoteri muhurumende yeBotswana, Amai Gloria Letlhage, vanoti Botswana iri kuita hurongwa uhu zviri pamutemo asi varamba kutsanangura kuti sei vachidaro.
Asi Botswana inoti mupoteri anenge asina kuzvipira kudzokera ega kumusha kwake panopera gore rino, anozoita zvekumakidzwa kudzoserwa kuZimbabwe.
Facebook Forum