Accessibility links

Breaking News

Botswana Yobvumidza Nyaya dzeChingochani


Ngochani dziri padare reHigh Court kuGaborone, Botswana
Ngochani dziri padare reHigh Court kuGaborone, Botswana

Zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zvinogara muBotswana zvaratidza maonenro akasiyana siyana mushure mekunge dare guru reGaborone muBotswana rapa mutongo wekuti zve pamutemo kuita zvehungochani.

Mudanho rakatyamadza vamwe pasi rose, vatongi vatatu vedare guru reBotswana VaAbedinego Tafa naVaMicheal Leburu pamwe chete naAmai Jennifer Dube vapa mutongo wekuti zvikamu zve 164(a), 164(c) ne 165 uye 167 zvemitemo yenyika iyi zvange zvichimbunyikidza kodzero dzevanoita zvehungochani.

Zvikamu izvi zvanga zvichirambidza kuita zvepabonde kwevanhurume kana vanhukadzi vega uye ainge abatwa achiita izvi aigona kutongerwa kugara mujeri kwemakore manomwe mujeri.

Rakanangana nechikamu che167 mumutemo weBotswana, dare guru iri rati zvanga zvisi pamutemo kuti vanhukadzi kana vanhurume vanoita zvepabonde varangwe nokuti izvi zvinoitikira muchihwande kwete pazere vanhu.

VaCaine Youngman, mukuruwesangano rengochani muBotswana vapembedza danho ratorwa nedare guru reBotswana.

Gweta ranga rakamirira vesangano iri VaTshiamo Rantao, vanoti hurumende yeBotswana yakafanira kuchengetedza kodzero dzevanhu ava kubva nhasi.

Zvichakdaro, zvizvarwa zveZimbabwe zvinogara muBotswana zvaratidza maonero akasiyana mushure mechiitiko ichi. Vamwe varumbidza hurumende yeBotswana, asi vamwewo vashoropodza danho ratorwa iri.

Mumwe wevanorumbidza chiitiko ichi ndiVaAllen Dewere avo vanotambira chikwata cheMetsimotlhabe Sporting Club muGaborone, vati chiitiko ichi chidzidzo kune dzimwe nyika.

VaDewere vaenderera mberi vachiti zvanga zvakakodzera kuti nyika yeBotswana ibvumire chiitiko ichi sezvo iine vanhu vazhinji vanoita zvehungochani

Asi Muzvare Joyleen Tambaoga vanoti chiitiko ichi chinonyadzisa uye Botswana yabvumira vanhu kuti vaite mashura asakambookekwa munyika kunyanya muAfrica.

Chimwewo chizvara cheZimbabwe, icho chisina kuda kudomwa nezita, chaudza Studio 7 kuti zvaitika mudare guru reBotswana mahumbwe chaiwo.

Nyanzvi munyaya dzekodzero dzevanhu uye iri mudzidzisi wemutemo paGaborone University College of Law and Professional Studies, VaTakudzwa Matambo vaudza Studio7 kuti Botswana yaratidza iri kuseri kwekuseri panyaya dzezve kuchengetedzwa kwekodzero dzevanhu kana zvichiyenzaniswa neZimbabwe.

Bumbiro remutemo weZimbabwe haribvumidze kuroorana kwengochani. Vaimbove mutungamiri venyika VaRobert Mugabe vaigara vachinyomba ngochani.

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vakati vanotevedzera bumbiro remutemo riripo.

Nyaya Ina Shingirai Madondo
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:24 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG