Mumiriri weBritain muZimbabwe, Amai Melanie Robinson, vanoti nyika yavo inoda kuramba ichitengeserana neZimbabwe kana ichinge yabuda musangano reEuropean Union uye patove nehurongwa hwekugudzira chibvumirano chekuti izvi zviitike.
Asi nyika iyi iri kukurudzira Zimbabwe kuti ivandudze mitemo kuti munyika muve nehutongo hwejekerere.
Amai Robinson vataura mashoko aya mushure memusangano wavaita nmutauriri wedare reparamende yeZimbabwe, Advocate Jacob Mudenda.
Vanoti nyika mbiri idzi dzine hukama hwakanaka uye Zimbabwe inotengesa zvinhu zvinokosha mazana mana emamiririyoni emadhora ekuAmerica kunyika yavo. Vati vanoda kuti hukama uhwu huenderere mberi.
Amai Robinson vatiwo vataura nyaya dzekuti mitemo ivandudzwwe kuti iienderane nebumbiro remutemo.
Vati vanoda kuona mitemo yakaita seAccess to Information and Protection of Privance Act ichibviswa pamwe nemitemo yesarudzo ichivandudzwa sezvakavimbiswa nemutungamiriri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa.
Panyaya yekuvandudza bumbiro remutemo, Amai Robinson, vati pakatora nguva yakareba vanhu vachibvunzurudzwa bumbiro risati raumbwa nekudaro vanhu vanofanira kubvunzurudzwa zvakare bumbiro risati rasandurwa.
VaMudenda vati paramende inoda chose kuvandudza mutemo asi haigoni kuzviita nechimbi chimbi nekuti inoda kunzwa pfungwa dzeveruzhinji.
Zvichakadai gurukota rezvemutemo, VaZiyambi Ziyambi, vazivisa paramende nhasi kuti mangwana chaiwo vachaunza kudare chibvurimirano chekuti Zimbabwe nenyika dzekuchamhembe nekumabvazuva kweAfrica dzitengeserane neUnited Kingdom kana ichinge yabuda muEU.
VaZiyambi vanoda kuti paramende itambire chibvumirano che Eastern and Southern African (ESA) States-UK Economic Partnership Agreement icho chatakosainwa nehurumende kutanga kwegore rino.
Chibvumirano ichi chinoita kuti nyika dzekuchamhembe nekumabvazuva kweAfrica dzitengese zvinhu zvadzo kuUK pasina mutero.
Vanoongoroa nyaya dzezvehupfumi VaMasimba Kuchera, vaudza Studio 7 kuti havaoni Zimbabwe ichabatsirikana zvakanyanya kubva kuchibvumirano ichi sezvo isina zvizhinji zvainogadzira.
Vamwewo vanoongorora nyaya dzehupfumi, VaMasimba Manyanya, vati chibvumirano ichi chakanaka chose uye Zimbabwe inogona kubatsirikana zvakanyanya kana vatungamiriri venyika vakabata hupfumi wenyika ino zvakanaka.
Britain yaitarisirwa kubuda muEU muna Kurume asi kusvikira nhasi haisati yabuda sezvo paine makakatamwa munyika iyi ekuti yobuda nechibvirano chipi.
Facebook Forum