Kwakave nekufara pamwe nekuchema munhabvu yemuZimbabwe mukupera kwesvondo.
Kufara pamwe nekusuwa uku kwakauya mushure mekunge chikwata cheChicken Inn chabuditswa mumakwikwi eCaf Champions League panguva imwe cheteyo Harare City yakabudirira kuenderera mberi mumakwikwi eCaf Confederation Cup.
Asi kubuda kweChicken Inn kwakarwadza veruzhinji sezvo chikwata ichi chakanwiswa penareti mutambo wave kutosvika kwamvura yacheka makumbo ndokukundwa 2-0 asi vachibuda mumakwikwi aya 2-1 mushure mekukunda 1-0 mumutambo wekutanga chikwata cheMamelodi Sundowns chekuSouth Africa.
Chicken Inn yakamira mira zvinotyisa zvekuti matambiro avo akaita kuti vawane shamwari dzakawanda pazviuru nezviuru zvakauya kuzoona mutambo uyu.
Mutsigiri wenhabvu anozivikanwa zvikuru, VaChristopher Mandizha, avo vanove zvekare sachigaro wevatsigiri vechikwata cheDynamos muHarare, vanoti Chicken Inn yaifanira kuve yakakunda mumutambo uyu dai vakashandisa mikana yakawanda yavakawana.
Vatambi veChicken Inn havasi kufara nepenareti yakapihwa Sundowns vachiti ivo vakabirirwa nemubati wepembe wekuMalagasy, Va Andofetra Avombitara Rakotojaona, izvo murairidzi wavo, Joey Antipas, anobvumawo.
Asi VaMandizha vanoti pekutanga vakaona sekunge yaive isiri penareti asi mushure mekuongorora zvakaitika vanoti Chicken Inn isacheme nenyaya iyi.
Asi veChicken Inn vari kudzoka muZimbabwe mushure mekunge varatidza Africa yese kuti muZimbabwe mune nhabvu yepamusoro soro uyezve vaine chivimbo chekuti vakaramba vachitamba sezvavakaita, vanotora zvekare mukombe weCastle Lager Premier Soccer League.
Panguva imwe cheteyo chikwata cheHarare City chakawunza mufaro mushure mekunge charova AS Adema yekuMadagascar 3-1 ndokuenderera mberi muCaf Confederation Cup 6-3 mushure mekunge vakunda mumutambo wekutanga 3-1.
Muteveri wechikwata ichi, VaAdam Mukwasi, vanoti vari kufara zvikuru nezvakaitwa nechikwata chavo kuratidza Africa yese kuti nhabvu yemuZimbabwe yakasimukira.
Harare City yave kusangana neZesco yekuZambia.
Zvakamira zvakadai, chikwata cheZPC Kariba chave muma semi fainari eZimbabwe National Army Charity Challenge mushure mekurova Dynamos 1-0 muRufaro Stadium nezuro.
Chibodzwa chakanwiswa naWisdom Mutasa muchikamu chekutanga, zvakaita kuti zvikwata izvi zvipesane ZPC Kariba ichienderera mberi, Dynamos yacho ichisara kumashure.
Wisdom Mutasa mwana wemutevedzeri wemurairidzi weDembare, Lloyd Mutasa.
Asi murairidzi weZPC Kariba, Va Sunday Chidzambwa, havasi kukoshesa mitambo yeZimbabwe National Army Challenge iyi vachiti yakangofanana nemitambo yehushamwari.
Mimwe mitambo yeZNA Charity Challenge iriko svondo rino apo Chicken Inn iri kusangana neHighlanders, Harare City ichibandanawo neCaps United.