Bato riri kutonga muChina, reCommunist Party of China, CPC, iro rakasvika munyika manheru eSvondo, rakasangana neMuvhuro nemutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, mushure mekunge ratanga rasangana nasachigaro weZanu PF, VaSimon Khaya Moyo, mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, pamwe nemutevedzeri wavo, Amai Joyce Mujuru.
Bato iri riri kutungamirirwa nemutevedzeri wasachigaro waro, VaWang Gang.
VaGang vanonzi vakanyoreranawo pasi neZanu PF chibvumirano chekuti mapato maviri aya ashande pamwe muzvinhu zvakasiyana siyana.
VaGang nevamwe vavo vari kutarisirwa kudzokera kunyika yavo neChitatu.
VaMugabe vakati Zimbabwe icharamba ichishanda pamwe neChina munyaya dzekutengeserana, zvikuru zvirimwa zvakaita sefodya.
Mutauriri waVaTsvangirai, VaJames Maridadi, vaudza Studio7 VaGang vakarumbidzawo VaTsvangirai nekuzvipira kwavo kuti Zimbabwe ibve mumadhaka mayanga iri.
Mutauriri weZanu PF, VaRugare Gumbo, vaudzawo Studio7 kuti chikwata cheCPC ichi chakashorawo zvirango zvinonzi neZanu PF zvakatemerwa Zimbabwe nenyika dzekumawirira.