Chikwata cheZimbabwe chemutambo wekiriketi chawira pasi pasi mugungano rezvikwata zvirikurwira kuenda kumafainari e2023 World Cup.
Chikwata ichi chawira pasi pasi mugungano rezvikwata gumi nezvitatu reICC Men’s Cricket Super League mushure nekurohwa 2-0 neBangladesh mumitambo yezuva rimwe, umwe wacho wakatambwa muHarare Sports Club nezuro.
Nezuro, maChevrons akarohwa nemawiketsi matatu zvichitevera kudamburwa kwaakaitwa neChishanu nemaranzi zana nemakumi mashanu nemashanu (155) pamusha wavo weHarare Sports Club.
Izvi zvasiya Zimbabwe iine mapoinzi gumi, mapoinzi matatu pasi peSri Lanka uyezve mapoinzi manomwe pasi peNetherlands iyo iri pachinhanho chechitatu kubva pasi pasi.
Muteveri wemutambo uyo VaPartson Munyati vanoti nematambiro arikuita maChevrons aya zveWorld Cup, tinofanira kumbokanganwa.
England ndiyo iri pamusoro-soro nemapoinzi makumi mapfumbamwe nemashanu mapoinzi makumi maviri pamusoro peBangladesh iyo iri pachinhanho chechipiri.
Zvikwata zvinomwe zvinopedza zviri pamusoro-soro pamwe neIndia iyo iri pamusha paWorld Cup ndizvo zvinopinda muma fainari eWorld Cup.
Zimbabwe yatamba mitambo mishanu munzira yekuenda kuWorld Cup uku, ndokukunda mumutambo mumwe chete nekurohwa mumitambo mina.
Muongorori wemutambo uyu VaSimbarashe Bere vanoti parikudiwa shanduko yakasimba mumaChevrons kana vachichida kuenda kuWorld Cup.
Vamwewo ndivo vari kuti murairidzi wechikwata ichi Lalchard Rajput anofanira kusiiswa basa nekuti akundikana.
Pamusoro peBangladesh, Zimbabwe gore rino, yadyiwa neAfghanistan pamwe nePakistan asi mumitambo yemaTests nemaT20.
England, Bangladesh, Australia, Pakistan, Ireland, Afghanistan, neNew Zealand, ndidzo parizvino dziri pazvinhanho zvekuenda kuWorld Cup kunyange hazvo zvinhu zvingangoshanduka mukufamba kwenguva.
Zimbabwe yakakundikana kuenda kuWorld Cup ya 2019 mushure mekurohwa neHong Kong pamusha.
Facebook Forum