Vadzidzi vemuzvikoro zvepamusoro soro vanoti gore ra 2015 ranga rakavaomera zvikuru zvekuti vanga vodya kamwe chete pazuva uye vochengetana mudzimba dzechikoro zvisiri pamutemo vachibhadharisana mari.
Nekune rumwe rutivi vabereki vanoti mari dzavanobhadhara kuzvikoro izvi dzakanyanya kuwanda sezvo vaine vamwe vana vekuchengeta.
Vamwe vadzidzi vemuzvikoro zvepamusoro soro vanoti nyaya yekubhadhara mari yechikoro inovashungurudza sezvo zvichivaita kuti varasikirwe nenguva yezvidzidzo sezvo vamwe vadzidzisi vachivabudisa muimba yekudzidzira.
Vadzidzi vose vakataura neStudio7 vanoti imwe nyaya hombe ndeyekushaya mari yekutenga zvokudya zvinovakwanira.
Rimwe dambudziko ratekeshera muzvikoro zvepamusoro kushaikwa kwedzimba dzekugara izvo zvave kupa kuti vadzidzi vachengetane mudzimba shoma dziripo vachibhadharisana kuti vawane mari yezvekudya.
Pane zvimwe zvikoro vadzidzi vasere vanogara muimba imwe chete izvo vanoti zvinokonzera zvirwere.
Tawanda Nyakudya ari kuita zvidzidzo zveDevelopment Studies paMidlands State University (MSU) kuGweru. Nyakudya anoti anorarama hupenyu hwakaoma pachikoro ichi sezvo achipedzisira ave kudya kamwe chete pazuva.
Mumwe mudzidzi, Benoni Takavarasha, uyo anodzidza kuBindura State University, anotsigira mashoko aNyakudya.
Takavarasha anoti kunyange achinzwisisa kuti vabereki vake vakaomerwa sezvo vachiriritira vanin'ina vake vatatu nehanzvadzi yake, anoti nzara kuchikoro inoita kuti asadzidze zvakanaka.
Vadzidzi vanoti kunonoka kubhadhara mari dzechikoro zvinoita kuti vasawane mukana wekushandisa matura emabhuku pamwe nedandemutande.
Mumwe mudzidzi anoda kuzivikanwa nezita rekuti Monica wepaMSU anoti dai hurumende yamanikidza zvikoro zvose zvepamusoro soro kuti zvirege vadzidzi vachinyora bvunzo vasati vapedza kubhadhara mari yose asi vozorambirwa kuziviswa zvinenge zvabuda mubvunzo kana vasati vabhadhara.
Monica anoti paMSU mudzidzi anenge asina kubhadhara mari zvikamu makumi manomwe nezvishanu kubva muzana, haabvumirwe kunyora bvunzo.
Kuchema chema kwevadzidzi kunotsigirwa nevabereki vanoti hupenyu huri kuvaomera zvekuti vari kutadza kupa vana vavo zvavanoda.
Mumwe wevabereki ava, Amai Chipo Nyamukondiwa, vanoti vari kuomerwa nekubhadhara mari yemwana wavo anodzidza paChinhoyi University of Technology (CUT).
Asi mumwe mubereki asina kuda kudomwa nezita rake anotiwo vanorerukirwa kubhadhara mari yechikoro sezvo vachibhadhara pamwedzi wega wega shoma yavanenge vawana.
Vadzidzi vezvikoro zvepamusoro vanobhadhara mari inosvika mazana matanhatu emadhora kana kupfuura yezvidzidzo, mazana maviri nemakumi mapfumbamweemadhora semari yepekugara, uye madhora makumi mana ekurapwa kana varwara, mari iyo vanoti yakawandisa.
Gore rino vadzidzi vakawanda vakamira zvidzidzo zvavo nekushaya mari.
Asi mutauriri we CUT, VaTapera Musekiwa, vanoti vamwe vana vakamira zvidzidzo zvavo nekuda kwezvikonzero zvakasiyana siyana kwete nekushaya mari chete.