Chimwe chizvara chemuZimbabwe chakasarudzwa kuva kanzura mune rimwe dhorobha remunyika yeSweden chinoti, panofanirwa kuve nemafungiro matsva mune zvematongerwo enyika muZimbabwe kuitira kuti pasave nekupokana kunounza mhirizhonga kana kudeuka kweropa, zvisinei kuti vanhu vanotsigira mapato akasiyana-siyana.
VaTichaona Maphosa murume ane makore makumi mana nerimwe uye ndikanzura webato reSwedish Social Democratic Party, mudhorobha reUmea riri kumaodzanyemba kwakadziva kumabvazuva kwenyika yeSweden.
VaMaphosa vakatanga kuenda kunotsvaga mikana iri nani kunze kwenyika vachangopedza chikoro mugore ra1997 apo vakaenda kuAmerica asi vakadzoka kumusha mushure megore nekuda kwetsaona yaive yaitika mumhuri mavo.
Vagara munyika kwemakore ane chitsama VaMaphosa vakazowana mukana wekuenda kuSweden, asi sevamwe vanhu vakawanda vanotsvaga mafuro manyoro kunze kwenyika, vakashanda kubva pasi kuti vasvike pavari iko zvino.
Kunze kwekuita basa ravo rekutonga maguta kana kuti city planner VaMaphosa vanoratidza chido chikuru chekuita mabasa anobatsira vamwe vanhu.
Vanoti vakawana mukana wekupinda mune zvematongerwo enyika nekuti vaigara vachisangana nevamwe vebato reSwedish Social Democratic Party avo vakazovakumbira kuti vakwikwidze pachigaro chehukanzura muguta ravanogara gore rapera.
Pakuverengwa kwakaitwa vanhu munyika mugore ra2012, Zimbabwe ine vanhu mamiriyoni gumi nematatu asi gwaro reWorld Bank rakabudiswa muna 2016 rinoti nyika ine vanhu mamiriyoni gumi nematanhatu.
Hapana mafigiri akajeka ehurumende anoratidza kuti zvizvarwa zvingani zvemuZimbabwe zviri kune dzimwe nyika asi zvinofungidzirwa kuti vanhu vanopfuura mamiriyoni mana vari kugara kune dzimwe nyika.
Vakawanda vevanhu ava vanorarama nekuita mabasa ose ose kuti vakwanise kuriritira mhuri dzavo nehama dzavakasiya kumusha.
VaMaphosa vanoti vakabatsirwa zvikuru kuti vasvike pavari munyika yeSweden nekuti vanhu vakawanda vemunyika umu havana rusarura rudzi uye vanotambira pfungwa dzevamwe vane mafungiro akasiyana.
VaMaphosa vanoti maonero avo ndeekuti vanhu munyika vanofanirwa kuve nemafungiro matsva mune zvematongerwo enyika kuitira kuti vatambire pfungwa dzevamwe vane mafungiro akasiyana vachiti izvi zvinobatsira kudzivirira mhirizhonga mune zvematongerwo enyika uyewo kuti nyika ibudirire.
Vanotiwo vanofunga kuti Zimbabwe inogona kugadzirisa matambudziko ayakatarisana nawo pari zvino kana vanhu vakaita muonera pamwe.
Vanoti vakazvarirwa kuBulilima kuchamhembe kwakadziva kumavirira kwenyika yeZimbabwe mumhuri ine vamwe vana vana, kusanganisira vasikana vaviri. Vakaita zvidzidzo zveprimary nesecondary muzvikoro zviri muHarare vakazonopedzisira zvidzidzo zve”A” Level muguta reMasvingo.
VaMaphosa vanogara vachishanya munyika yavo yechizvarwa uye vaive munyika munguva shoma yapfuura vaine vamwe vakuru vakuru vesangano reSwedish Development Agency, SIDA, iro rinopa rubatsiro kune vanoshaya kunyanya madzimai nevana.
Pakaitika mafashamu emvura nedutumupengo remhepo kana kuti Cyclone Idai pakutanga kwegore munyika, VaMaphosa nevamwe vavanoshanda navo kuSweden vakakwanisa kuunza rubatsiro munyika.
Kunze kwekuve kanzura VaMaphosa vari mukomiti inoona nezvedzidzo uye mubato ravo reSwedish Social Democratic Party vari muchikwata chavana chipangamazano munyaya dzine chekuita nenyika dzekuchamhembe kweAfrica.
Pari zvino VaMaphosa vari kuita zvidzidzo zvepamusoro zvine chekuita nezvematongerwo enyika munyika dzemuEurope vachiti vari kuita izvi seznira yekuwedzera ruzivo rwavo rwenzvimbo.
Vanoti kana mukana ukavepo vangade chose kuwana chinzvimbo chepamusoro mune zvematongerwo enyika kusanganisira kuve nhengo yeparamende yeEuropean Union. VaMaphosa vane mudzimai nemwana mumwe chete.
Facebook Forum