Accessibility links

Breaking News

Vatori veNhau Vorambidzwa Kuburitsa Zviri Kubva muVanhu


Komiti yeparamende iri kutungamira kunyorwa kwebumbiro idzva remitemo yenyika, inoti kunyange hazvo vatori venhau vachibvumidzwa kupinda mumisangano yekubvunza vanhu zvavanoda kuti zvipinde mubumbiro idzva, havasi kuzobvumidzwa kutaura nevanhu pamwe nekunyora pamusoro pezvinenge zvataurwa neveruzhinji pamusangano iyi.

Komiti iyi inoti izvi zvinozopa kuti vamwe vanhu vanenge vasati vapinda muchirongwa ichi, vave nepfungwa dzinenge dzaburitswa nevatori venhau.

Mumwe wemasachigaro ekomiti iyi, VaPaul Mangwana, vanoti zvakakosha kuti vanhu vashandise pfungwa dzavo mukunyorwa kwebumbiro idzva

Ukuwo vanhu vakawanda muGweru vanoti havana ruzivo rwakakwana hwenzvimbo pamwe nenguva dzinenge dzichiitirwa chirongwa ichi munzvimbo dzavanogara.

Izvi zviri kuitikawo munzvimbo dzakawanda munyika.

Hurongwa hwekunyorwa kwebumbiro idzva hunonzi hwafamba zvakanaka munzvimbo dzakawanda kuMashonaland East, kunyange hazvo kuchine mamwe matambudziko ari kusanganikwa nawo. Nyaya yenguva inotorwa nemichina iri kushandiswa pakutora mazwi evanhu pamwe nemifananidzo inonzi imwe yenyaya dzichiri kunetsa.

Dambudziko remichina rinonzi iguru kuManicaland. Asi zvinonzi dambudziko rechikafu rakambosangana nedzimwe nhengo dzekomiti dziri kugara kumamwe mahotera kwaMutare neMuvhuro, rinonzi ragadziriswa.

MDC inotungamirwa naVa Morgan Tsvangirai inoti haisi kufara nemhirizhonga iri kuitika mumapurazi muchirongwa ichi. Bato iri rinoti vanhu veZanu PF vari kushungurudza vanhu mumapurazi aya.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa kuZanu PF.

Pasi pechibvumirano chekaumba hurumende yemushandira pamwe, Zimbabwe inofanirwa kunyora bumbiro idzva mukati memwedzi gumi nemuviri kubva pakagadzwa hurumende.

Pava nemwedzi gumi nemitanhatu kubva pakagadzwa hurumende yemushandira pamwe.

Kana bumbiro iri richinge ranyorwa, richadzoserwa kuvanhu apo pachaitwa referendamu yekuona kuti vanhu vanotambira here kana kuti kwete bumbiro idzva rinenge ranyorwa.

Hurumende yaimbove yeZanu PF yega yakaita hurongwa hwakadai muna 1999, asi vanhu, vachikurudzirwa neNational Constitutional Assembly, vakaramba kutambira bumbiro rakanga ranyorwa, vachiti chirongwa ichi chakange chatungamirwa nehurumende.

Rwendo rwuno zvakare NCA iri kukurudzira vanhu kuti vasapinde muchirongwa ichi vachiti hurumende haifanirwe kutungamira mukunyorwa kwebumbiro idzva.

XS
SM
MD
LG