Accessibility links

Breaking News

COPAC Yoita Musangano neMasangano ekuMatabeleland


Masangano akazvimirira ekumatunhu eMatabeleland ari pasi pemubatanidzwa weMatabeleland Civil Society Consortium, anoti haasi kufara nemafambisirwo ari kuitwa hurongwa hwekunzwa pfungwa dzevanhu pakunyorwa kwebumbiro idzva remitemo yenyika, zvikuru panyaya dzekushambadzwa kwemashoko.

Masangano aya akatonyorera vari kutungamira hurongwa uhwu, veCOPAC, achiratidza kusafara kwawo, izvo zvaita kuti COPAC ishevedzere musangano wekuita nemasangano aya nemusi weChina svondo rino.

Dunhu reMatabeleland South ndiro riri kuwana vanhu vashoma zvikuru vari kupinda misangano yeCOPAC yekunzwa pfungwa dzavanhu.

VaRoderick Fayayo, avo vanoona nezvekufambiswa kwemabasa muBulawayo Progressive Residents Association, rimwe remasangano ari pasi pemubatanidzwa uyu, vanoti rimwe dambudziko riri kusangana nematunhu eMatabeleland inyaya dzekutyisidzirwa kwevanhu, izvo zviri kuzoita kuti vanhu vashoma vataure pfungwa dzavo.

Mumwe wemasachigaro eCOPAC, VaDouglas Mwonzora, vanoti COPAC ndiyo yakakumbira kusangana nemasangano aya, kuitira kuti vagadzirise matambudziko ari kunzi ari kusanganikwa nawo.

VaMwonzora vanotiwo rimwe dambudziko riri kuita kuti mashoko asafamba zvakanaka inyaya yekuti vazhinji mudunhu reMatabeleland havadi kuverenga mapepanhau ehurumende, munove mavari kuisa mashoko ekushambadza nezvehurongwa uhu.

Zvichakadaro, varairidzi vatatu vanonzi vamiswa pamberi pedare redzimhosva kuKaroi, vachipomerwa mhosva yekurova nhengo yeZanu PF. Vatatu ava, vanoti VaRodney Matsaure, VaInnocent Nyoni, naVaPatrick Murira, vanonzi vakarova nhengo yeZanu PF yakanga yavatevera ichida kuvarwisa, mushure mekusawirirana kwakaitika pamusangano wekunzwa pfungwa dzavanhu mudunhu iri.

Vatatu ava vanonzi vakachengetedzwa muhusunga, uye nyaya yavo ichapinda zvakare mudare redzimhosva musi wa16 Nyamavhuvhu. Munhu anonzi akarohwa uyu, ari muchipatara.

Vanoona nezvekufambiswa kwemabasa pamwe nemashoko musangano reProgressive Teachers Union of Zimbabwe, PTUZ, VaOswald Madziwa, vanoti varairidzi vamiswa pamberi pedare ava ndivo vakatanga kushungurudzwa nevatsigiri veZanu PF kudzamara vazodzorera senzira yekuzvidzivirira.

XS
SM
MD
LG