Mukuru weVoice Of America Amai Amanda Bennet Votaura Pamusoro Pemamiriro Ezvinhu Panhepfenyuro Yavo Panguva Yekurwisa Corona Virus
Mazwi aAmai Bennet: Ndini amanda bennett, mukuru we Voice Of America. Ndiri kurekodha izvi ndiri kumba nekuti kuno kuvoice of america, vashandi vazhinji tave kushandira kumba senzira yekuderedza kupararira kwe coronavirus iyo ndinoziva kuti yanga ichikanganisa vakawanda venyu pamwe nemhuri dzenyu.