Accessibility links

Breaking News

Bvongamupopoto Yoitika muParamende Pakati peZanu PF neMDC


VeZanu-PF vanoti VaTsvangirai naVaMutambara vanofanira kutanga vakumbira kuti vekunze vabvise zvirango zvakatemerwa Zimbabwe.

Mudare reHouse of Assembly neChitatu makaita bvongamupopoto pakati penhengo dzeMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai nenhengo dzeZanu-PF.

Izvi zvakaitika mushure mekunge imwe nhengo yeZanu-PF, VaKudakwashe Bhasikiti, vakapa chiziviso chekuti neChina vachatura nyaya mudare iri yekuti dare rikurudzire mutungumiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, nemutevedzeri wavo, VaArthur Mutambarara, kuti vakurudzire America nenyika dzeku Europe kuti dzibvise zvirango zvehupfumi zvakatemerwa Zimbabwe.

African Union nenyika dzakaita seAmerica neEuropean Union dzave kutarisirwa kunetsanawo zvakanyanya panyaya yezvirango zvinonzi neZanu-PF zvakatemerwa Zimbabwe.

Gurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika, VaSimbarashe Mumbengegwi, vanoti vatungamiri vemuAfrica vakabvumirana kuti zvirango zvakatemerwa Zimbabwe zvibviswe nechimbichimbi.

Sachigaro wekomisheni yeAfrican Union, VaJean Ping, vakanzi neAfrican Union vaone kuti nyaya iyi yagadziriswa pamusangano uchaitwa muna Chikunguru.

Mutungamiri webhanga guru pasi rose, reWorld Bank, VaRobert Zoelick, vanotiwo vanopa rubatsiro vakamirira kuona kuti Zimbabwe yazadzikisa here zviri muGPA vasati vatanga kupa rubatsiro.

VaZoellick vanotiwo gavhuna webhanga guru reZimbabwe, VaGideon Gono, vanofanirwa kusiya basa. Asi Zanu-PF iri kusimba nerekuti hapana zvichazadzikiswa paGPA kusvika zvirango zvabviswa.

VaPhillan Zamchiya vari kuita zvidzidzo zvepamusororo paOxford University. VaZamchiya vanoti African Union haifanirwe kurova imbwa yakaviga mupini, nokudaro inofanirwa kuudza Zanu-PF kuti iri kutamba nedope pasina mvura.

XS
SM
MD
LG