Vagari vekuDomboshawa mudunhu reMashonaland East havasi kuwirirana pahurongwa hweimwe kambani yekuChina iri kuda kuparadza gomo rinoyera riri munharanda yavo kuti igaye matombo ekuvakisa.
Vagari vemuDomboshawa vatadza kuwirirana pamusangano wavaita nenhengo inovamirira muparamende, VaEnergy Mutodi, kanzura weWard 4, VaTapiwa Murima, Mambo Chinamhora vanomirira dunhu pamwe nevamiriri vekambani iyi.
VaMurima vaudza Studio7 kuti vari kuda kuti kambani yemaChina iyi ienderere mberi nekuchera gomo iri vachiti kuuya kwekambani iyi kuchasimudzira nzvimbo yavo.
Asi VaMutodi, avo vabva panga pachiitirwa musangano uyu tisati tataura navo, vanonzi havasi kuda kuti kambani yemaChina iyi ibvumidzwe kugaya matombo emugomo reGarimo.
VaMutodi vaudza Studio7 parunhare kuti kambani iyi ikabvumidzwa kugaya matombo emugomo iri, zvichakanganisa nyaya dzekushanyirwa kwemapako emuDomboshawa ayo akabatana negomo iri uye zvichakanganisa hutano hwevanhu vari munzvimbo yakakomberedza gomo iri sezvo pachizobuda huruva pakugayiwa kwematombo aya.
Mambo Chinhamhora varamba kutaura pamusangano uyu vachiti vachatevedzera zvinenge zvabvumiranwa nevagari venzvimbo iyi.
Mumwe mugari wemubhuku rekwaZimbiru, VaFungai Chimugoti, vatsinhirawo zvataurwa parunhare naVaMutodi.
Mumwe mugari wenzvimbo iyi, VaBarnabas Machadu, vatiwo gomo reGarimo ndiro ravanoitira chivanhu chavo, nokudaro kambani yemaChina iyi haifanire kubvumidzwa kuenderera nehurongwa hwayo.
Asi VaWilliam Moss, vanoshanda nekambani yeGeo Global iyo inova chipangamazano chekambani yemaChina iyi ye China Ayou Jialli, vati kucherwa kwegomo iri kuchabatsira vagari vemuDomboshawa mune zvakawanda uye zvichaita kuti vazhinji vavo vawane mabasa.,
Zvichakadai, vamwe vagari vanga vachibvumirana nehurongwa hwekambani yemaChina vasaina magwaro avati vachaendesa kune vanoona nezvemagariro akanaka munharaunda veEnvironmental Management Agency kana kuti EMA vachitsigira hurongwa hwemaChina uhwu.
Vasiri kubvumiranawo nehurongwa uhwu vatiwo vachanyorawo tsamba yenyunyuto yavachaendesa kuEMA.
Facebook Forum