Accessibility links

Breaking News

Hurumende Inotara Nzara seDambudziko Rakakurisisa Munyika


Hurumende yabvuma zvino kuti zvinhu hazvina kumira zvakanaka munyaya dzechikafu, izvo zvaita kuti mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vatare nzara iriko sedambudziko rakaipisisa.

Hurumende yabvuma zvino kuti zvinhu hazvina kumira zvakanaka munyaya dzechikafu, izvo zvaita kuti mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vatare nzara iriko sedambudziko rakaipisisa.

Vachitaura mashoko aVaMugabe neChina manheru, gurukota rezvematunhu, VaSavior Kasukuwere, vakati nyika yakawana mvura yekunaya iri pasi pezvikamu makumi manomwe nezvishanu kubva muzana zvemvura inotarisirwa makore ose.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:09 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Vakatiwo mvura mumadhamu mazhinji emunyika yadzikira zvikuru, izvo vakati ndizvo zvasvitsa VaMugabe pakuti vatore matanho aya.

VaKasukuwere vakati VaMugabe vatara matunhu akanyanyobatwa nemhare (drought) sematunhu anoda rubatsiro rwechimbichimbi kubva musi wa 2 Kukadzi unove mwedzi uno.

VaKasukuwere vakazivisawo mumashoko avo aya kuti vanhu vanosvika mamiriyoni maviri nemazana mana ezviuru vanoda rubatsiro rwechikafu nechimbichimbi.

Nyanzvi munyaya dzechikafu vachitaura vakazvimirira, Reverend Forbes Matonga, vanoti danho rehurumende iri rekutara mhare iyi setsaona hombe rinobatsirawo kuvhurira masangano nenyika vanokwanisa kubatsira kuti vapinde munyika nerubatsiro.

XS
SM
MD
LG