Rimwe sangano rinoongorora sarudzo, reElection Resource Center, kana ERC, rinoti riri shushukana zvikuru kuti hapana zvikuru zvati zvaitwa pakushandura mitemo inobata sarudzo munyika sezvinodiwa nebumbiro remitemo yenyika.
Vachiparura gwaro reongoorora yezvinhu zvakakakosha zvinoda kugadziriswa kuitira kuti nyika iite sarudzo dziri pamutemo sezvinodiwa nrbumbiro remitemo yenyika, mukuru weERC, VaTawanda Chimhini, vati kunyange hazvo bumbiro remitemo riine hwaro hwekuti nyika iite sarudzo dzakajeka, mutemo wesarudzo hausati wavandudzwa kuti uenderane nebumbiro iri.
VaChimhini vati gwaro ravaparura nhasi rinotarisa zvinhu zvakanyanya kunyunyutwa nazvo neveruzhinji musarudzo dzapfuura uye rinotsanangurawo zvinofanira kugadziriswa kuti munyika muite sarudzo dzisina gakava.
Vati sezvo mutungamiri wenyika vakataura kuti pachashandurwa mitemo yesarudzo apo vakavhura paramende nemusi weChipiri, vanoda kuti nhengo dzeparamende, nevese vane chekuita pakunyorwa kwemitemo, vatore pfungwa dziri mugwaro ravo pakuvandudza mitemo yesarudzo.
VaChimhini vati zvimwe zvezvinhu zvinofanira kugadziriswa inyaya dzekunyoresa vanhu kuvhota, nyaya yekuti zvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika zvivhote, pamwe nemamiriro ekomisheni inoona nezvesarudzo, yeZimbabwe Electoral Commission.
VaChimhini vati vacharamba vachidzidzisawo veruzhinji, masangano akaita seSADC neAfrican Union kuti vautaure nevatungamiri vemuno kuti vagadzirise mitemo yesarudzo kuitira kuti nyika iite sarudzo dzisina mutauro.
Mukuru werimwe bato rinopikisa reDemocratic Party, Doctor Wurayayi Zembe, vaudza Studio7 kuti gwaro raparurwa neERC rakakosha uye vanotarisira kuti vatungamiri neparamende vacharishandisa pakugadzirisa mitemo yesarudzo.
Vati vanoona sekuti vaimbove mutungamiriri wenyika, VaRobert Mugabe, ndivo vatadzisa kuti mitemo isashandurwe uye zvinhu zvinogona kufamba rwendo runo.
Asi mukuru wesangano reZimbabwe Democracy Institute, Doctor Pedzisayi Ruhanya, vaudza Studio 7 kuti hapana zvasanduka munyika kubvira pakabviswa VaMugabe vachiti hurumende VaMugabe yairamba kusandura mitemo yesarudzo yakafanana neyaVaEmmerson Mnangagwa.
Vachivhura paramende nemusi wechipiri, VaMnangagwa vakati vakatoumba chikwata chedare remakurukota icho chichagadzirisa zvese zvakanzi zvigadziriswe nemasangano nenyika dzakaongorora sarudzo dzegore rapfuura.
Zvimwe zvakanzi zvigadziriswe inyaya yekuti mapato ese awaniswe mukana wakafana kumapepanhau nenhepfenyuro dzehurumende, uye kuti vechiuto nemadzishe vasapindire musarudzo.
Asi ERC inoti komiti yekugadzirisa mitemo yesarudzo inofanira kuvandudzwa kuitira kuti imiririre vanhu vese kusanganisira masangano anoshanda kazvimirira, vedzisvondo nevamwe.
Facebook Forum