Accessibility links

Breaking News

European Commission Inopa Bazi reDzidzo US$10m


Bazi rezvedzidzo rasimudzirwa zvikuru zvichitevera kupihwa kwaraitwa mari yerubatsiro inosvika mamiriyoni gumi emadhora ekuAmerica nesangano reEuropean Commission. Mari iyi yatambidzwa mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, vakamirira hurumende.


Vachitambira mari iyi kubva kusangano reEuropean Commission, VaTsvangirai vatenda zvikuru vachiti mumazuva anotevera vachatanga zvakare humwe hurongwa hwekudyidzana nenyika dzekumawirira, paine chinangwa chekusimudzira bazi rezvedzidzo, pamwe nekupemha mari dzekubhadhara vashandi vehurumende.

VaTsvangirai vati hazvivafadze kuti zvinhu zvingori manyama amire nerongo mubazi rezvedzidzo. Vati zvakakosha kuti hurumende igadzirise zvinhu izvi. Vatiwo vanonzwa kurwadziwa zvikuru nenyaya yekuti vabereki vari kuzvitambudzikira zvavo kumaruwa nemuma dhorobha, vari kubhadhara varairidzi mari dzekuti vadzidzise vana vavo.

Vachitaurawo pangugano iri, mutevedzeri wemutungamiri wehurumende, VaAurthur Mutambara, vati zvakakosha kuti hurumende igadzirise zvinhu mubazi rezvedzidzo.

Gurukota rezvedzidzo, VaDavid Coltart, vatendawo sangano reEuropean Commission vachiti mari iyi ichabatsira kugadzirisa zvinhu mubazi ravo.

Mukuru wesangano reUnited Nations Children’s Fund, VaPeter Salama, avo vatambidza mari iyi kuhuruemnde, vatiwo vana vanosvika gumi vari kuwanikwa vachishandisa bhuku rimwe chete. Vati mukupera kwegore, sangano ravo richaona kuti izvi zvagadziriswa. VaSalama vati vane tarisiro yekuti panopera gore, vana vaviri munyika yese, vanenge vave kushandisa bhuku rimwe chete.


Hurumende iri kunetsekana zvikuru mukusimudzira zvinodiwa nebazi redzidzo, sezvo zvinhu zvanga zvaipa munyika kwemakore akawanda, zvichitevera kutadza kuronga zvinhu kwakaitwa nehurumende yeZanu PF pasati pava nehurumende yemubatanidzwa.

XS
SM
MD
LG