Accessibility links

Breaking News

GMB Yotadza Kubhadhara Varimi Mari Dzavo


Bags of maize ready for distribution at Dzaleka refugee camp in Malawi (photo taken by Lameck Masina).
Bags of maize ready for distribution at Dzaleka refugee camp in Malawi (photo taken by Lameck Masina).

Vamwe varimi vari kunyunyuta zvikuru vachiti havasati vabhadharwa chibage chavakaendesa kudura renyika kuGrain Marketing Board kana kuti GMB.

Varimi ava vanoti kusapiwa mari dzavo nenguva uku kuri kudzosera shure mabasa avo kurima, uye vari kugara vachinetswa nevanhu vakatakura chibage chavo vachichiendesa kuGMB.

Mumwe wevarimi ava, Amai Juliet Moyo vekuGokwe, vanoti zvinovashungurudza kuti gore rave kutopera vachingofambira mari yechibage chavakaendesa kuGMB muna Chikunguru.

Amai Moyo vanoti pavakaendesa chibage chavo vakamanikidzwa kuvhura bhuku rekubhanga kuAgribank

Amai Moyo vanoti kusapiwa mari yavo kwakavhiringidzawo mabasa avo ekurima egore rino sezvo vasina mari yekutenga mbeu nefetiraiza. Amai Moyo vanoti pamusoro pezvo vari kutadza kubhadhara vakavatakurira chibage izvo zvotokanganisa magariro avo.

Vanotiwo vari kuzonobatana nevamwe varimi vane dambudziko seravo vogarira mari yavo kukambani yeGMB muHarare.

Mumwe murimi, VaBooker Dliwayo, vashora zvikuru maitiro eGMB. VaDliwayo vanoti varimi pavaiendesa chibage, vaimanikidzwa kuvhura bhuku rekubhanga vachiti dai vanhu vaingoisirwa mari munhamba dzefoni sezvaiitwa gore rapera.

Studio 7 yataurawo parunhare nemumwe murimi, VaLawrence Gweru, avo vati havasati vabhadharwawo chibage chavakaendesa mugore ra2017.

VaGweru vati vakapinza chibage chavo kuGMB yekuShurugwi kunonzi kuTongogara.

Studio7 haina kukwanaisa kubata vakuru vakuru vekuGMB kuti tinzwe divi ravo.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG