Vachuchisi vemuAmerica vari kupomera vanhu makumi mashanu mhosva yekuita zvehuori kuburikidza nekubhadhara mari dzechioko muhomwe kuitira kuti vadzidzi vane vabereki vakapfuma vawane nzvimbo dzekudzidza muzvikoro zvepamusoro soro zvine mukurumbira.
Vachuchisi vanoti izvi zvaiitwa pasi pehurongwa hwaitungamirwa nesangano rakazvimirira reEdge College & Career Network.
Vachuchisi vemuBoston mudunhu reMassachusetts vakapomera neChipiri mukuru wesangano iri, VaWillaim “Ricky” Singer, mhosva yekuita huori.
Vachuchisi vakapomerawo mhosva dzehuori vamwe vatambi munyaya dzemafirimu vane mukurumbira vanosanganisira Felicity Huffman na Lori Loughlin, pamwe nevadzidzisi vemitambo muzvikoro zvepamusoro soro muAmerica.
Zvikoro izvi zvinosanganisira Georgetown muWashington DC, Yale University mudunhu reConnecticut, Stanford neUniversity of Southern California mudunhu reCalifornia nezvimwe.
Mari dzaibhadharwa dzsechioko muhomwe dziri pakati pezana rezviuru zvemadhora kusvika kumamiriyoni matanhatu emadhora.
Sangano raVaSinger rinonzi rakawana mari inosvika mamiriyoni makumi maviri nemashanu emadhora mukati memakore manomwe kubva muna 2011 kusvika 2018.
Muzvinafundo pa Devry University ku Ohio, Va Elliot Masocha, vanoti zvakaitwa izvi hazvina kunaka zvachose sezvo zvichikanganisa vadzidzi vari pazvikoro izvi pamwe chete nekudzikisa huremu hwezvikoro izvi.
Muzvinafundo Masocha vanoti vadzidzi vese vakapinzwa muzvikoro izvi pachishandiswa chioko muhomwe vanofanirwa kubviswa muzvikoro izvi sezvo kuramba vari muzvikoro izvi kuchizokanganisawo vamwe vadzidzi.
Facebook Forum