Accessibility links

Breaking News

Nhengo dzeZanu PF Ina Dzinofa neChirwere cheCovid-19 Musi Mumwe Chete


Dr Ellen Gwaradzimba
Dr Ellen Gwaradzimba

Kushaya kwenhengo idzi kunoitika panguva iyo misodzi ichiri pamatama zvichitevera kushaya neChishanu kwegurukota reManicaland, Doctor Ellen Gwaradzimba, uye nhengo yeZanu PF Central Committee, VaMorton Malianga, avo vakashaya zvakare nechirwere cheCovid-19.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:04 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Vaimbove nhengo yeparamende yeChiredzi Central, uye vari mutauriri weZanu PF mudunhu reMasvingo, VaRonald Ndava, vashaya nechirwere che Covid-19.

Kushaya kwaVaNdava kwaitika panguva iyo imwe nhengo yeZanu PF, uye vari sachigaro wevechidiki mudunhu reMashonald Central, VaFrenado Ruwizhi, vashayawo nechirwere ichi.

Kushaya kwenhengo idzi kunoitika panguva iyo misodzi ichiri pamatama zvichitevera kushaya neChishanu kwegurukota reManicaland, Doctor Ellen Gwaradzimba, uye nhengo yeZanu PF Central Committee, VaMorton Malianga, avo vakashaya zvakare nechirwere cheCovid-19.

VaNdava vakashaya manheru apfuura muchipatara cheChiredzi General Hospital.

Mutauriri wemhuri yaVaNdava, VaStephen Goto, vaudza Studio7, kuti
VaNdava vakashaya mushure mekunge vabatwa nechirwerecheCovid-19.

Mutevedzeri wegurukota revashandi munyika uye vari seneta kwaGutu,
VaLovemore Matuke, vati bato ravo pamwe chete nenyika zvarasikirwa
negamba raida budiriro.

VaGoto vati vachazivisa munguva inotevera kuti VaNdava vachavigwa rini.

Mutauriri wekomiti yeCovid-19 muMasvingo, VaRodgers Irimai, vati
nekuwanda kuri kuita chirwere ichi vanhu vanokurudzirwa kugara
mudzimba nekutevedzera mitemo yeLockdown Lever Four.

Mutauririri weZanu PF, VaSimon Khaya Moyo, vaudza vatori venhau kuti bato ravo richazivisa munguva pfupi inotevera kuti Amai Gwarazimba, pamwe naVaMalianga, vachavigwa rinhi uye kupi.

Mashoko atiri kutambira anotiwo mudzimai wevaimbove gurukota muhofisi yemutevedzeri wemutungamiri wenyika munguva yehutongi hwaVaMugabe, VaSlyvester Nguni, vashayawo neMugovera nedenda reCovid-19.

VaNguni, avo vakafirwa naamai vavo nechirwere ichi apo chakapinda munyika gore rapera, vati mudzimai wavo azorodzwa asi vange vakabatikana kuti vataure zvakawanda.


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG