Sangano reGrain Millers Association of Zimbabwe rinoti riri chiri rakangomirira kunzwa kubva kuhurumende kuti mutengo wehupfu hwowedzerwa kusvika papi.
Izvi zvinotevera kuwedzerwa kwemutengo wetani rechibage kubva pazviuru zvina zvemadhora kusvika pazviuru makumi matanhatu nezana nemakumi mapfumbamwe nemakumi mashanu nemasere.
Mwedzi wapera, hupfu hwakawedzerwa kubva pamadhora makumi mashanu kusvika pamadhora manomwe.
Gurukota rezvekuburitswa kwemashoko Amai Monica Mutsvangwa vakti mutengo wechibage wainge wawedzerwa kubatsira varimi.
Hatina kukwanisa kubata gurukota rezvemari Muzvinafundo Mthuli Ncube kana gurukota rezvemaIndustry Doctor Sekai Nzenza kuti tinzwe divi ravo. Asi mutauriri weGrain Millers Association of Zimbabwe VaGarikai Chaunza.
Facebook Forum