Munyori mubazi rezvekuburitswakwemashoko, VaNdabaningi Nick Mangwana, pamwe nevakuru vakuru vemakambani ari pasi pebazi ravo akaita seZimbabwe Broadcasting Corporation, ZBC, neTransmedia, vatadza kutsanangura zvinogutsa pamashandisiro avanoita mari mubazi iri nemakambani aya. Izvi zvaitika pamusangano wekuzeya bhajeti ra2019.
Nhengo dzekomiti inoona nezvekuburitswa kwemashoko hadzina kufara kuti kunze kwaVaMangwana, vakuru vemakambani anoti NewZiana, Transmedia, Zimbabwe Film School, Broadcasting Authotrity of Zimbabwe, BAZ, Transmedia nemamwe havana kuburitsa magwaro anoratidza mashandisiro aitwa mari mumakambani aya.
Nhengo dzekomiti iyi hadzinawo kufara kuti makambani aya atadzawo kutsanangura zvinogutsa mashandiro aanoita nemamwe makambani angave emuno kana ekunze kwenyika.
Mumiriri weHarare Central, VaMurisi Zwizwai, varatidza kusafara nemashoko emukuru weTransmedia, Amai Florence Matambo, ekuti kambani yavo, iyo ine zvikamu makumi maviri kubva muzana mukambani ye Multichoice, inopihwa zviuru makumi matatu zvemadhora mwedzi wega wega.
VaZwizwai vati Multichoice, iyo inova kambani yekuSouth Africa, inobhadharisa mari yekuAmerica uye vanoona sekuti zvataurwa naAmai Matambo handi zvechokwadi.
Nhengo dzekomiti iyi dzaratidzawo kusafara nemashandiro emakambani eNewZiana, BAZ pamwe nezviri kuitika mukambani yeZBC.
Vati nyaya yekuti mumwe aimbove mukambani yeZBC, VaTazzen Mandzividzwa, vakabatwa nemhosva yekusashandisa mari zvakanaka muna 2014, asi vakadzorwa kubasa nerweseri.
Dzati dzinoda kuziva kuti sei ZBC yakaramba ichibhadhara mushandi uyu mari iye ainge abira kambani iyi miriyoni yemadhora.
Asi VaMangwana vati bazi ravo rakapindira ndosaka VaMandizvidza vakamiswa basa zvakare uye vave kunzi vabhadhare mari yavanonzi vakatora zviri kunze kwemutemo kukambani iyi.
Imwe nyaya isina kufadza komiti iyi ndeyekuti mari yekubatsirikana yemubazi rezvekuburitswa kwemashoko yakawanda kudarika mari yemihoro.
Sachigaro vekomiti iyi, VaPrince Dubeko Sibanda, vati zvichitevera kusagutsikana kwekomiti yavo vaona zvakakodzera kuti VaMangwana vadzoke zvekare svondo rinouya nechikwata chavo vazopa tsanangudzo dzinogutsa.
Vati zvaitika nhasi zvinoratidza kuti vakuru vakuru vemakambani vaishanda pamadiro vachiita zvavanoda.
VaMangwana vati ivo nechikwata chavo vachadzoka svondo rinouya kuzopa tsanangudzo dzese dzinodiwa uye vati vachaunza magwaro emashandisirwo emari kuparamende nemusi weMuvhuro sezvatarwa nekomiti yeparamende iyi.
VaMangwana vaudza komiti iyi kuti vakanzi nebazi rezvemari vaite bhajeti isingadarike mamiriyoni makumi mana nemashanu emadhora asi ivo vachida mari inodarika zana remamiriyoni emadhora.
Vati mari yavari kunzi vachapihwa nebazi rezvemari haitombokwani kupedzisa chirongwa chavo chekuvandudza masai si cheDigitisation Program.
Facebook Forum