Vanhu vakawanda vanoti vakwanisa kutora mari dzavo kumabhanga akasiyana-siyana muHarare asi mamwe mabhanga akaita seCABS anga aine mitsetse mirefurefu.
Ongororo yaitwa neStudio7 yaratidza kuti mabhanga mazhinji anga achipa vanhu mari itsva yebepa ye$2 kunyange hazvo mabhanga aya anga achingopa zana rimwe chete remadhora.
Mumwe wevakwanisa kuwana mari kubhanga reStanbic, VaGoodwell Kapfunde, vati vafara zvikuru sezvo vawana mari yavo nenguva shoma shoma.
Vati vanga vave nemwedzi inokwana miviri vachishaya mari kubhanga ravo.
VaPaul Malunga, avo vanga vari pamutsetse pane rimwe banga vakamirira kutora mari yavo, vaudza Studio7 kuti kunyange hazvo vanga vave pedyo nekutora mari, vanga vamira kweawa imwe chete.
Asi VaMalunga vatiwo vachazonyatsopembera kana vakakwanisa kuwana mari yavo mazuva ese avenge vachiida kwete zvemusi mumwechete.
Ongororo yaitwawo neStudio7 yaratidza kuti vanotengesa mari mumigwagwa vanga vatove nemari iyi mangwanani.
Mumwe anotengesa mari mumigwagwa angoda kuzivikanwa nezita rekuti Riggo, audza Studio7 kuti anga awana mari iyi mangwanani, asi aramba kutaura kuti aiwana kupi.
Mumwe zvekare anotenga nekutengesa mari mumigwagwa asina kuda kudomwa nezita, ati nhasi anga angowana ma$2 emari yemabond iri yemusvo pamwechete ne$2 yebepa.
Asi ati anga asati awana mari yebepa ye$5.
Kunyange hazvo mabhanga anga achipa madhora zana, bhanga guru renyika rinobvumidza kuti munhu atore madhora mazana matatu pasvondo roga roga.
Vamwewo vataura neStudio7 vati vanoshuvira kuti bhanga guru rikwidze mari inotorwa pasvondo chero kusvika pamadhora zviuru zviviri vachiti mari yavari kuwana pazuva haina zvainotenga.
Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dzinotiwo zvingarerutsa hupenyu hweveruzhinji kana vanhu vakawana mari pasina kutanga vabhadhara muripo.
Kunyange hazvo tisina kukwanisa kubata gavhuna veReserve Bank of Zimbabwe, VaJohn Mangudya, nezvekushaikwa kwemari yebepa ye$5 , VaMangudya vakaudza Studio7 nezuro kuti vachange vachiisa mari iyi zvishoma nezvishoma mumabhanga.
Facebook Forum